Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 2:14-24

Joshua 2:14-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Varume ava vakapika vachimutsindidzawo kuti, “Tinosarudza zvedu kufa pane kuti imi mufe! Kana mukarega kuudza vanhu nezvenyaya yedu, tichakuitirawo mwoyochena tichichengeta shoko redu kwamuri patichapiwa nyika ino naTenzi.” Mukadzi uyu akavaburitsa napawindo, akavadzikisa pasi netambo nokuti imba yake yakanga yakavakirwa murusvingo rweguta iri, saka aitogara murusvingo chaimo. Mukadzi uyu akavati, “Endai kumakomo kuti murege kuwanikwa novokuronda. Vandai ikoko kwamazuva matatu kusvikira vokuronda vacho vadzoka mozoenda zvenyu.” Varume ava vakamuti, “Hatimbokunyengedza pamhiko yawatipikisa. Chinzwa kana tava kuzopinda munyika ino sungirira kamucheka katsvuku aka pawindo paunotiburitsa napo uchitidzikisa pasi. Unganidza vana baba naamai vako, nehanzvadzi dzako nemhuri yose yababa wako, mumba mako. Kuwana anobuda mumba mako imomo achitoenda zvake panze munzira, rufu rwake ndorwokuzviparira, haizovi mhosva yedu. Asi kana kukangourayiwa ani zvake anenge anewe mumba mako, mhosva ndeyedu. Asi ukangoudza munhu nezvenyaya yedu iyoyi, zvemhiko yako iyi zvatibva, haichatisunga.” Mukadzi akapindura achiti, “Ndizvozvo, ngazviitwe saizvozvo.” Ndokubva avarega voenda zvavo, iye ndokusungirira kamucheka katsvuku kaya pawindo. Varume ava vakabvapo, vakananga kumakomo vakagarako mazuva matatu kudzamara vaivaronda vadzoka, vakanga vavatsvaka munzira yose vakavashaya. Varume vaviri vaya vakaburuka mumakomo, vakayambuka, vakasvika kuna Joshuwa mwanakomana waNuni, vakamuudza zvose zvavakasangana nazvo. Vakataurira Joshuwa vachiti, “Chokwadi chaicho ndechokuti, Tenzi atoisa nyika iyoyo mumaoko edu, vose vageremo vapera nokutitya.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 2

Joshua 2:14-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo varume vaya vakamuvimbisa vachiti, “Isu ngatife pachinzvimbo chenyu. Kana ukasareva zvatiri kuita tichakubata zvakanaka nokutendeka kana Jehovha atipa nyika ino.” Saka akavadzikisa pasi netambo napawindo, nokuti imba yaaigara yaiva mumasvingo eguta. Zvino akati kwavari, “Endai kumakomo kuitira kuti vateveri varege kukuwanai. Muvande ikoko kwamazuva matatu kusvikira vadzoka, mozoenda henyu nenzira yenyu.” Varume vaya ndokuti kwaari, “Mhiko yawatipikisa iyi haizotisungi kunze kwokuti, patinopinda munyika, uchange wasungirira tambo tsvuku iyi pawindo rawatidzikisa naro, uye kunze kwokunge wapinza baba vako namai vako, hanzvadzi dzako nemhuri yako yose mumba mako. Ani naani anobuda mumba mako achienda panze, ropa rake richava pamusoro wake, isu hatizova nemhosva. Asi wose anenge ari mumba pamwe chete newe, ropa rake richava pamisoro yedu kana pakangowana anomubata chete. Asi ukangoreva zvatiri kuita, tichasunungurwa pamhiko yawatipikisa.” Iye akapindura akati, “Ngazviitwe sokutaura kwenyu.” Naizvozvo akavati vaende ivo ndokuenda. Ipapo akabva asungirira tambo tsvuku pawindo. Pavakabva, vakaenda mumakomo vakagaramo kwamazuva matatu, kusvikira vateveri vatsvaka nzira yose vakavashayiwa vakadzoka. Ipapo varume vaviri vaya vakatanga kudzokera. Vakadzika kubva muzvikomo ndokuyambuka rwizi vakasvika kuna Joshua mwanakomana waNuni vakamuudza zvose zvakanga zvaitika kwavari. Vakati kuna Joshua, “Zvirokwazvo Jehovha aisa nyika yose mumaoko edu; vanhu vose vari kugwagwadza nokutitya.”

Joshua 2:14-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo varume vakati kwaari, “Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri; kana Jehovha achitipa nyika iyi, tichakuitira zvakanaka nezvokwadi.” Ipapo akavaburusira pasi nebote napawindo, nokuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakanga agere pamusoro porusvingo. Akati kwavari, “Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu.” Zvino varume vakati kwaari, “Hatingasungwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa. Tarira, nguva yatinopinda panyika ino, unofanira kusungira bote iri dzvuku rakakoswa pawindo pawakatiburusira pasi napo; unofanirawo kuunganidza mumba mako baba vako, namai vako, nehanzvadzi dzako, navose veimba yababa vako. Zvino ani naani unobuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pomusoro wake, asi isu hatingavi nemhosva; ani naani unewe mumba mako, ropa rake richava pamusoro pemisoro yedu, kana akaitirwa zvakaipa noruoko rwomunhu. Asi kana ukabudisa pachena basa redu iri, isu hatingasungwi nemhiko yako yawakatipikisa.” Iye akati, “Ngazviitwe sezvamakataura;” akavaendesa, vakabva, iye ndokusungira bote dzvuku pawindo. Ivo vakaenda, vakasvika kumakomo, vakagarapo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; vateveri vakavatsvaka panzira iyo yose, asi havana kuvawana. Zvino varume avo vaviri vakadzoka, vakaburuka pamakomo, vakayambuka, vakasvikazve kuna Joshua, mwanakomana waNuni; vakamuudza zvose zvavakanga vaitirwa. Vakati kuna Joshua, “Zvirokwazvo, Jehovha wakaisa nyika yose mumaoko edu; uye vanhu vose vagere panyika iyo vavhunduka pamberi pedu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 2

Joshua 2:14-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Varume ava vakapika vachimutsindidzawo kuti, “Tinosarudza zvedu kufa pane kuti imi mufe! Kana mukarega kuudza vanhu nezvenyaya yedu, tichakuitirawo mwoyochena tichichengeta shoko redu kwamuri patichapiwa nyika ino naTenzi.” Mukadzi uyu akavaburitsa napawindo, akavadzikisa pasi netambo nokuti imba yake yakanga yakavakirwa murusvingo rweguta iri, saka aitogara murusvingo chaimo. Mukadzi uyu akavati, “Endai kumakomo kuti murege kuwanikwa novokuronda. Vandai ikoko kwamazuva matatu kusvikira vokuronda vacho vadzoka mozoenda zvenyu.” Varume ava vakamuti, “Hatimbokunyengedza pamhiko yawatipikisa. Chinzwa kana tava kuzopinda munyika ino sungirira kamucheka katsvuku aka pawindo paunotiburitsa napo uchitidzikisa pasi. Unganidza vana baba naamai vako, nehanzvadzi dzako nemhuri yose yababa wako, mumba mako. Kuwana anobuda mumba mako imomo achitoenda zvake panze munzira, rufu rwake ndorwokuzviparira, haizovi mhosva yedu. Asi kana kukangourayiwa ani zvake anenge anewe mumba mako, mhosva ndeyedu. Asi ukangoudza munhu nezvenyaya yedu iyoyi, zvemhiko yako iyi zvatibva, haichatisunga.” Mukadzi akapindura achiti, “Ndizvozvo, ngazviitwe saizvozvo.” Ndokubva avarega voenda zvavo, iye ndokusungirira kamucheka katsvuku kaya pawindo. Varume ava vakabvapo, vakananga kumakomo vakagarako mazuva matatu kudzamara vaivaronda vadzoka, vakanga vavatsvaka munzira yose vakavashaya. Varume vaviri vaya vakaburuka mumakomo, vakayambuka, vakasvika kuna Joshuwa mwanakomana waNuni, vakamuudza zvose zvavakasangana nazvo. Vakataurira Joshuwa vachiti, “Chokwadi chaicho ndechokuti, Tenzi atoisa nyika iyoyo mumaoko edu, vose vageremo vapera nokutitya.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 2

Joshua 2:14-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo ʋarume ʋakati kwaari: Isu ŋgatife panɀimbo yenyu, kana musiŋgaɓuɗisi pacena ɓasa reɗu iri; kana Jehova acitipa nyika iyi, ticakuitira ɀakanaka neɀokwaɗi. Ipapo akaʋaɓurusira pasi neɓote napawindi, nokuti imba yake yakaŋga iri pamsoro poruȿiŋgo rweguta, naiye wakaŋga agere pamsoro poruȿiŋgo. Akati kwaʋari: Tizirai henyu kumakomo, kuti ʋateʋeri ʋarege kusoŋgana nemi, muʋande’po mazuʋa matatu, kuȿikira ʋateʋeri ʋadzoka; pashure muŋgaenda henyu. Ɀino ʋarume ʋakati kwaari: Hatiŋgasuŋgwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa. Tarira, ŋguʋa yatinopinda panyika ino, unofanira kusuŋgira ɓote iri dɀuku rakakoshwa pawindi pawakatiɓurusira pasi napo; unofanira ʋo kuʋuŋganidza mumba mako ɓaɓa ʋako, namai ʋako, nehanɀadzi dzako, naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋako. Ɀino aninani unoɓuɗa kunze kwemikoʋa yeimba vako, ropa rake ricaʋa pamsoro pomusoro wake, asi isu hatiŋgaʋi nemhoȿa; aninani unewe mumba mako, ropa rake ricaʋa pamsoro pemisoro yeɗu, kana akaitirwa ɀakaipa noruʋoko rwomunhu. Asi kana ukaɓuɗisa pacena ɓasa reɗu iri, isu hatiŋgasuŋgwi nemhiko yako yawakatipikisa. Iye akati: Ŋgaɀiitwe seɀamakataura; akaʋaendisa, ʋakabva, iye ndokusuŋgira ɓote dɀuku pawindi. Iʋo ʋakaenda, ʋakaȿika kumakomo, ʋakagara’po mazuʋa matatu, kuȿikira ʋateʋeri ʋadzoka; ʋateʋeri ʋakaʋatȿaka panzira iyo yose, asi haʋana‐kuʋawana. Ɀino ʋarume aʋo ʋaʋiri ʋakadzoka, ʋakaɓuruka pamakomo, ʋakayambuka, ʋakaȿika ɀe kunaJoshua, mŋanakomana waNuni; ʋakamuʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaitirwa. Ʋakati kunaJoshua: Ɀirokwaɀo, Jehova wakaisa nyika yose pamaʋoko eɗu; ʋuye ʋanhu ʋose ʋagere panyika iyo ʋavunduka pamberi peɗu.