Joshuwa 11
11
H: KUKURIRWA KWAMADZIMAMBO UKUCHAMHEMBE
Joshuwa anokunda mambo Jabhini
1Jabhini mambo weguta reHazori paakanzwawo izvi, akatumira shoko kuna Jobhabhu mambo weguta reMadhoni nokuna mambo weguta reShimuroni nokuna mambo weguta reAkishafu. 2Akatumirawo shoko kumadzimambo okuchamhembe kunyika yemakomo, nokuArabha kumaodzanyemba kwegungwa reKineroti, nokunyika yakumanhika nokuNafotidhori kumadokero, 3nokuvaKanani vokumabvazuva novokumadokero, nokuvaAmori navaHiti navaPerizi navaJebhusi vomunyika yamakomo, nokuvaHivhi vari mujinga regomo reHerimoni kudunhu reMizipa. 4Vakauya nehondo dzavo dzose vari gurusvusvu kuwanda sejecha regungwa, vaine bvakapfaka ramabhiza nengoro. 5Madzimambo iwaya akaunganidza pamwechete hondo dzavo dzose akadzika matendhe avo kubani remvura rokuMeromu kundorwisana navaIsiraeri.
6Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usavatye nokuti mangwana panguva idzo dzino idzi ndinenge ndatovaisa mumaoko avaIsiraeri, vanenge vatofa. Munofanira kutema mabhiza avo matatira, muroromese nomoto ngoro dzavo dzehondo.”
7Naizvozvo Joshuwa akavavinga nehondo yake ivo vari mubani remvura rokuMeromu akaita zvokungoerekana avafuta. 8Tenzi akavaisa mumaoko avaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya vakadzingirirana navo kudzamara vatopinda muguta reSidhoni nomuguta reMisirefotimaimu nokusvikira kubani reMizipa kumabvazuva. Vakavauraya zvokuti hapana kusara kana munhu mumwechete zvake. 9Joshuwa akaita kwavari zvaakanga audzwa naTenzi. Akatema mabhiza avo matatira, akaroromesa nomoto ngoro dzavo dzehondo.
10Joshuwa akadzoka ikoko panguva iyoyo, akakurira guta reHazori akauraya nebakatwa mambo waro nokuti guta reHazori iri ndoraiva guta guru raitungamirira nyika dzamadzimambo ose iwayo. 11Akauraya namapakatwa vanhu vose vaiva muguta imomo zvokuuraya zviya munhu wose. Hapana kana chinofema chaakasiya. Akapisa nomoto guta irori reHazori. 12Joshuwa akakurira maguta ose iwayo namadzimambo awo akava mumaoko ake, akaaparadza namapakatwa zvokusambosiya kana chinhu, sezvaakanga anzi aite naMosesi muranda waTenzi. 13Asi vaIsiraeri havana kupisa maguta akanga akavakirwa pakatunhumara, kusiya guta reHazori rakapiswa naJoshuwa. 14VaIsiraeri vakatora zvipfuwo nezvinhu zvose zvaiva mumaguta iwayo, zvavakanga vapamba. Asi wose ainzi munhu vakauraya namapakatwa vakavaparadza kusiya pasisina kana mupenyu. 15Tenzi sokuudza kwaakanga aita Mosesi muranda wake, Mosesi akataurirawo Joshuwa, Joshuwa ndokuitawo saizvozvo. Haana kana chaakasiyidzira pane zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi.
Nyika dzakapambwa naJoshuwa
16Saka Joshuwa akatora nyika yacho yose iyoyo. Akatora nyika yamakomo neNegevhu yose nenyika yose zvayo yeGosheni nenyika yokumanhika nenyika yeArabha nenyika yeIsiraeri yemakomo, namapani ayo 17kubvira kugomo reHaraka rinokwira nokuSeiri kusvikira kuBhaarigadhi kubani reRebhanoni mujinga megomo reHerimoni. Akabata madzimambo adzo ose, akavaponda kuuraya 18Joshuwa akarwa namadzimambo iwayo kwenguva ndefu. 19Hakuna kana rimwe guta zvaro rakawirirana navaIsiraeri kusiya vaHivhi voga, vanhu vokuGibheoni. VaIsiraeri vakatora maguta ose iwayo nehondo akava avo. 20Chaivadariso ndechokuti Tenzi ndiye aivakonzera kuomesa musoro kuti vaende kundorwisa vaIsiraeri achiitira kuti vanhu ivavo vabve vanyatsoparadzwa uye kuti varege kunzwirwa tsitsi, asi kutoti vatsakatiswe sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.
21Panguva iyoyo Joshuwa akandoparadza vaAnakimu vomunyika yamakomo vaiti vokuHebhuroni novukuDhebhiri novokuAnabhu novokunyika yaJudha yamakomo, novokunyika yeIsiraeri yamakomo. Joshuwa akavaparadza pamwechete namaguta avo. 22Hakuna kusara kana muAnakimu munyika yavaIsiraeri, kunze kwevaiva kuGaza nokuGati nokuAshidhodhi chete. 23Ndokutora kwakaita Joshuwa nyika yose sokutaura kwakanga kwaita Tenzi kuna Mosesi. Joshuwa akaipa kuvaIsiraeri senhaka yavo maererano namadzinza avo. Nyika ndokubva yazorora hondo.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 11: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.