Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 12

12
I: KUDZOKORORA NHOROONDO MUCHIDIMBU
Madzimambo akakurirwa naMosesi kumabvazuva kweJorodhani
1Aya ndiwo madzimambo enyika iyi akakurirwa navaIsiraeri vakavatorera nyika yawo vakaiita yavo kumhiri kwaJorodhani nechokumabvazuva, kutangira kubani raArinoni kusvikira kugomo reHerimoni nekwose kuArabha nechokumabvazuva: 2Kunoti Sihoni mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni, aitonga kubvira kuAroero pamucheto webani raArinoni achibvira pakati pebani iroro kusvikira kurwizi rwaJabhoku, muganhu wavaAmoni runovaganhuranisa nechidimbu chenyika yeGireadhi. 3Yaibvirawo kuArabha kusvikira kugungwa reKinereti kumabvazuva takananga kuBhetijeshimoti kugungwa reArabha, gungwa roMunyu, yonanga kuBhetijeshimoti kumaodzanyemba kusvikira mujinga megomo rePisiga.
4Kwouyawo Ogu mambo weBhashani aiva mumwe wehofori dzechiRefaimu akanga asara, aigara kuAshitaroti nokuEdhirei. 5Aitongawo kubvira kugomo reHerimoni zvichienda nokuSareka nenyika yose yeBhashani achindoganhurana navaGeshuri navaMaaka, achitongawo chimwe chidimbu chenyika yeGireadhi achindoganhurana naSihoni mambo weHeshibhoni.
6Mosesi muranda waTenzi navaIsiraeri, vakakurira madzimambo iwayo, iye Mosesi muranda waTenzi ndokupa nyika yavo kuti ive yevedzinza rokwaRubheni nerokwaGhadhi nechikamu chapakati napakati chedzinza raManase.
Madzimambo akakurirwa naJoshuwa
7Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akazokurirwa naJoshuwa navaIsiraeri kumadokero kumhiri kwaJorodhani, kubvira kuBhaarigadhi mubani reRebhanoni kusvikira kugomo reHaraku rinokwira rakananga kuSeiri. (Joshuwa akapa nyika yemadzimambo iwayo kumadzinza avaIsiraeri somugove wavo wenhaka. 8Akavapa nyika dzinoti nyika yemakomo nenyika yokumanhika, nenyika yeArabha nenyika yemateru, nenyika yerenje nenyika yeNegevhu, nenyika yavaHiti neyavaAmori neyavaKanani neyavaPerizi neyavaHivhi neyavaJebhusi).
9Madzimambo akakurirwa acho ndeaya:
kunoti mambo wokuJeriko
nowokuAi, guta riri pedyo
nereBhetieri,
10nowokuJerusarema;
kwouya mambo wokuHebhuroni
11nowokuJarimuti,
nowokuRakishi,
12nowokuEgironi
nowokuGezeru;
13kwoti mambo wokuDhebhiri
nowokuGedheru,
14nowokuHoruma
nowokuAradhi;
15kwozoti mambo wokuRibhuna
nowokuAdhuramu,
16nowokuMakedha
nowokuBheteri; kuchitiwo,
17wokuTapua
mambo wokuHeferi,
18nowokuAfeki
nowokuReshironi,
19nowokuMadhoni
nowokuHazori,
20kuchizoti mambo wokuShimuronimeroni
nowokuAkishafu,
21nowokuTanaki
nowokuMegidho;
22ndokuuyawo wokuKedheshi,
mambo womuJokineamu kuKarimeri
23nowokuDhori
riri kuNafatidhori nowomuGoiimu
kuGirigari;
24ndokuzoti mambo wokuTiriza.
Vose pamwechete vaiva madzimambo makumi matatu ane mumwechete.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshuwa 12: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda