Asi izvi zvakagumbura Jona zvakanyanya zvikamushatirisa akabva anamata kuna TENZI achiti: “Nhai imi TENZI, ko izvi hazvisirizvo here zvandakamboreva ndichiri kunyika yokwangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutizira kuTashishi nokuti ndaizviziva kuti imi muri Mwari wengoni ane tsitsi uye asingakurumidzi kushatirwa azere nomwoyochena anozvidzora kune zvakaipa. Saka naizvozvo ndapota TENZI ndiurayei zvenyu nokuti zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti ndirarame.” TENZI ndokubva ati, “Zvauri kuita izvi zvokushatirwa, zvakanaka here?”
Verenga chikamu Jona 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jona 4:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo