Ivo ndokuti kwaari, “Zvino toitei kwauri kuti gungwa ritidzikamire?” Nokuti gungwa rakanga zvino rotonyanya kuramba richinyanduka zvikuru nedutu remhepo. Iye akati kwavari, “Nditorei mundikande mugungwa, gungwa rinobvawo rakudzikamirai nokuti ndinoziva kuti ndini ndakonzera kuti dutu guru remhepo iri rikumukirei.” Asi varume ivava vakambovavarira zvavo kukwasva zvakasimba, kuti vadzosere ngarava panyika pakaoma, vakakundika nokuti gungwa rakabva ratonyanyisisa kunyanduka nedutu remhepo. Naizvozvo vakachema kuna TENZI vachiti, “Tateterera zvedu TENZI, regai zvenyu kuti tiparare pamusana poupenyu hwomurume uyu musatipe mhaka yokudeura ropa risina mhosva. Inga wani imi, TENZI, maita zvamunoda.” Ipapo vakatora Jona vakamukanda mugungwa, gungwa rikarega kupenga kwaro. Varume ava vakabva vatya TENZI zvikuru kwazvo vakapira chibayiro kuna TENZI vakaita zvitsidzo. TENZI akasarudza zihove guru rokumedza Jona. Jona akagara mudumbu rehove iyoyo siku nesikati kwamazuva matatu.
Verenga chikamu Jona 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jona 1:11-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo