Zvino vakati kwaari, “Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire?” Nokuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga. Iye akati kwavari, “Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu.” Kunyange zvakadaro varume vakakwasva nesimba vachiidza kudzokera kunyika; asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera. Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, “Tinokunyengeterai, imi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda kwoupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imi Jehovha makaita sezvamakada henyu.” Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro. Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo-kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko. Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu nousiku hutatu.
Verenga chikamu Jona 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jona 1:11-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo