Jona 1:11-17
Jona 1:11-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gungwa rakanga rotonyanya kupenga. Saka vakamubvunza vakati, “Ko, tinofanira kuitei kwauri kuti gungwa ritidzikamire?” Akapindura achiti, “Ndisimudzei mundikande mugungwa, ipapo richanyarara. Ndinoziva kuti mhosva yangu ndiyo yaita kuti dutu guru iri rikuwirei.” Pachinzvimbo chaizvozvo varume vakaedza napavaigona napo kuti vadzokere kunyika. Asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakatonyanyisa kupenga kupfuura zvapakutanga. Ipapo vakachema kuna Jehovha vakati, “Haiwa Jehovha, tapota musatiuraya nemhaka youpenyu hwomunhu uyu. Musatipa mhosva yokuuraya munhu asina mhaka, nokuti, iyemi Jehovha maita sokuda kwenyu.” Ipapo vakatora Jona vakamukanda mugungwa, uye gungwa rikanyarara pakupenga kwaro. Nokuda kwaizvozvi vakatya Jehovha kwazvo, uye vakabayira Jehovha chibayiro vakaita mhiko kwaari. Asi Jehovha akatuma hove huru kuti izomedza Jona, uye Jona akava mudumbu mehove kwamazuva matatu nousiku hutatu.

Jona 1:11-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati kwaari, “Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire?” Nokuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga. Iye akati kwavari, “Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu.” Kunyange zvakadaro varume vakakwasva nesimba vachiidza kudzokera kunyika; asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera. Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, “Tinokunyengeterai, imi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda kwoupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imi Jehovha makaita sezvamakada henyu.” Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro. Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo-kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko. Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu nousiku hutatu.
Jona 1:11-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ivo ndokuti kwaari, “Zvino toitei kwauri kuti gungwa ritidzikamire?” Nokuti gungwa rakanga zvino rotonyanya kuramba richinyanduka zvikuru nedutu remhepo. Iye akati kwavari, “Nditorei mundikande mugungwa, gungwa rinobvawo rakudzikamirai nokuti ndinoziva kuti ndini ndakonzera kuti dutu guru remhepo iri rikumukirei.” Asi varume ivava vakambovavarira zvavo kukwasva zvakasimba, kuti vadzosere ngarava panyika pakaoma, vakakundika nokuti gungwa rakabva ratonyanyisisa kunyanduka nedutu remhepo. Naizvozvo vakachema kuna TENZI vachiti, “Tateterera zvedu TENZI, regai zvenyu kuti tiparare pamusana poupenyu hwomurume uyu musatipe mhaka yokudeura ropa risina mhosva. Inga wani imi, TENZI, maita zvamunoda.” Ipapo vakatora Jona vakamukanda mugungwa, gungwa rikarega kupenga kwaro. Varume ava vakabva vatya TENZI zvikuru kwazvo vakapira chibayiro kuna TENZI vakaita zvitsidzo. TENZI akasarudza zihove guru rokumedza Jona. Jona akagara mudumbu rehove iyoyo siku nesikati kwamazuva matatu.
Jona 1:11-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati kwaari: Ticakuiteiko, kuti guŋgwa ritinyararire? Nokuti guŋgwa rakaramba ricinyanya kupeŋga. Iye akati kwaʋari: Ndisimudzei, mundikandire muguŋgwa, ipapo guŋgwa ricakunyararirai; nokuti ndinoziʋa kuti ɗutu iri guru rakakuwirai nokuɗa kwaŋgu. Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋarume ʋakakwaȿa nesimba ʋaciidza kudzokera kunyika; asi ʋakakoniwa, nokuti guŋgwa rakaramba ricinyanya kuʋapeŋgera. Naiɀoɀo ʋakaɗana kunaJehova, ʋakati: Tinokunyeŋgeterai, imi Jehova, tinokunyeŋgeterai, kuti tirege kuparara nokuɗa kwoʋupenyu bgomunhu uyu, murege kutisundira mhoȿa yeropa risinemhaka; nokuti imi Jehova makaita seɀamakaɗa henyu. Ipapo ʋakasimudza Jona, ʋakamukandira muguŋgwa, guŋgwa rikanyarara pakupeŋga kwaro. Ipapo ʋarume ʋakatya Jehova kwaɀo‐kwaɀo, ʋakaɓayira Jehova ciɓayiro, nokumupikira mhiko. Jehova akatuma hoʋe huru kundomedza Jona, Jona akaʋa muɗumbu rehoʋe mazuʋa matatu noʋusiku ʋutatu.
Jona 1:11-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)