Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jona 1:1-4

Jona 1:1-4 SCLB

Shoko raTENZI rakauya kuna Jona mwanakomana waAmitai richiti, “Simuka uende kuNinivhe, guta guru riya undoriyambira nokuti uipi hwavo hwasvika kudenga pamberi pangu.” Asi Jona akasumuka kuti atizire kuTashishi achida kubva pana TENZI. Akadzika kuJopa, akawanako ngarava yaienda kuTarishishi iye akabva abvisa mari yerwendo ndokupinda mukati mayo kuti aendewo navo kuTarishishi achibva pana TENZI. Asi TENZI akatututsa mhepo huru mugungwa pakaita dutu remhepo guru zvokuti ngarava yakanga yoda kupazika.

Verenga chikamu Jona 1