Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti, “Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu.” Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJehovha; akaburukira Jopa, akawana chikepe chakanga choenda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehovha. Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika.
Verenga chikamu Jona 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jona 1:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo