Akatizve,
“Ndava kuenda, imi muchanditsvaka
asi muchafira muzvitadzo zvenyu.
Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.”
VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?” Akati kwavari,
“Imi munobva pasi,
ini ndinobva kumusoro,
imi muri vapasi pano,
ini handisi wapasi pano.
Ndakutaurirai kuti
muchafira muzvitadzo zvenyu
kunze kwokunge matotenda kuti,
‘Ndiri iye wandiri.’ ”
Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari,
“Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga.
Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu,
uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo.
Asi iye akandituma ari pachokwadi
saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.”
Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. Naizvozvo Jesu akati kwavari,
“Kana masimudza Mwanakomana womunhu
ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’
uye kuti handiiti zvomusoro wangu
asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba.
Iye akandituma aneni.
Haana kundisiya ndiri ndoga
nokuti ndinogaroita zvinomufadza.”
Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari.
Jesu akati kuna vaJudha vakanga vatenda maari,
“Kana mukagara muchichengeta izwi rangu,
muri vadzidzi vangu chaivo
uye muchaziva chokwadi,
uyezve chokwadi chichakupai rusununguko.”
Vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu hatisati tambova varanda vomumwe munhu. Zvino ungagotaura sei uchiti muchawana rusununguko?” Jesu akavapindura achiti,
“Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri,
munhu wose anopara chitadzo muranda wechitadzo.
Mumhuri, muranda mupfuuri chete,
asi mwana ndewemo nokusingaperi.
Saizvozvo kana Mwanakomana
akakupai rusununguko muchava norusununguko ruzere.
Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu,
asi munoda kundiuraya
nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri.
Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu.
Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.”
Vakamupindurawo vachiti, “Abhurahamu ndivo Baba vedu.” Jesu akavati,
“Dai muri vana vaAbhurahamu
mungadai muchiita zvaiitwa naAbhurahamu.
Asi zvino munoda kundiuraya;
ini ndiri munhu akakutaurirai chokwadi
chandakanzwa kuna Mwari.
Izvi hazvisirizvo zvaiitwa naAbhurahamu.
Imi munoita zvinoitwa nababa venyu.”
Ivo vakati kwaari, “Isu hatisi vana vomusango. Tina Baba mumwechete, iye Mwari pachake.” Jesu wakavati,
“Dai Mwari ari Baba venyu mungadai muchindida
nokuti Mwari ndiye dzinde rokwandinobva.
Handina kungouyawo zvomusoro wangu
asi iye ndiye akandituma.
Hamunzwisisi sei zvandinotaura?
Chikonzero ndechokuti
imi hamudi kunzwa zvandinoreva.
Imi muri vana vababa venyu Dhiabhori
uye chamakasarudza,
kuita zvinodiwa nababa venyu.
Iye akanga ari mhondi kubvira pakutanga,
uye haanei nechokwadi
nokuti maari hamuna chokwadi.
Kana achireva nhema,
ari kutotaura maererano nezvaari
nokuti iye munyepi uye ndibaba wamanyepo.
Pamusana pokuti ndinotaura chokwadi, hamunditendi.
Ndiani pakati penyu
anganditi ndine mhosva yechitadzo?
Ko zvino kana ndichitaura chokwadi
ngei musingatendi mandiri.
Munhu waMwari
anonzwa zvinotaurwa naMwari
nezvo imi hamuzvinzwi
nokuti hamusi vanhu vaMwari.”
VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatina kutaura chokwadi here isu kuti iwe uri muSamaria, uye kuti una mweya wakaipa?” Jesu akapindura achiti,
“Ini handina mweya wakaipa.
Ini ndinoremekedza Baba vangu
asi imi munondishora.
Asi ini handitsvaki mbiri yangu
asi aripo mumwe anonditsvakira
iyeyo ndiye achava mutongi.
Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri
munhu akachengeta shoko rangu
haambofa akaona rufu.”
VaJudha vakati kwaari, “Zvino tava kuziva kuti une mweya wakaipa Abhurahamu; akafa vaporofitawo vakafa; asi iwe unoti munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu. Uri mukuru here pana baba vedu Abhurahamu akafa iwe uye vaporofita vakafa? Unozviti ani iwe?” Jesu akati,
“Ini ndikazvirumbidza
mbiri yangu haina maturo,
Baba vangu ndivo vanondirumbidza,
ivo vamunoti ndivo Mwari wenyu.
Imi hamundizivi
asi ini ndinovaziva.
Kana ndikati handizivi,
ndingatova munyepi semi;
asi ini ndinovaziva
uye ndinochengeta izwi ravo.
Tateguru venyu Abhurahamu
vakafarira kuti dai aizongoonawo nguva yangu
akaiona akafara.”
VaJudha vakati kwaari, “Iwe hausati wava namakore makumi mashanu ndopaungati wakaona Abhurahamu iwe?” Jesu akavati,
“Zvechokwadi chaizvo
Abhurahamu asati ambovapo
INI NDIRI.”
Naizvozvo vakanonga matombo kuti vamutake nawo asi Jesu akavanda akabva abuda muTemberi.