Johani 8:21-59
Johani 8:21-59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.” Izvi zvakaita kuti vaJudha vabvunzane vachiti, “Achazviuraya here? Ndizvo zvaanoreva here zvaanoti, ‘Kwandinoenda, imi hamungauyiko?’ ” Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handisi wenyika ino. Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.” Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?” Jesu akapindura akati, “Izvozvo zvandanguri ndataura kare kuti ndini iye. Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.” Havana kunzwisisa kuti akanga achivaudza nezvaBaba. Saka Jesu akati kwavari, “Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga. Uyo akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinomufadza.” Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari. Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anotadza ndiye muranda wechivi. Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi. Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri. Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.” Ivo vakati, “Abhurahama ndivo baba vedu.” Jesu akati, “Dai maiva vana vaAbhurahama, maidai muchiita zvinhu zvakanga zvichiitwa naAbhurahama. Izvozvi muri kutsvaka kundiuraya, munhu akuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahama haana kuita zvinhu zvakadai. Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.” Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.” Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma. Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura. Imi muri vababa venyu, dhiabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo. Asi nokuda kwokuti ndinotaura chokwadi, imi hamutendi kwandiri! Ndiani pakati penyu angaratidza kukanganisa kwangu? Kana ndichitaura chokwadi, seiko musinganditendi? Uyo ari waMwari anonzwa zvinorehwa naMwari. Chinoita kuti murege kunzwa ndechokuti imi hamusi vaMwari.” VaJudha vakamupindura vakati, “Hatina kutaura chokwadi here patakati uri muSamaria uye kuti une dhimoni?” Jesu akati, “Handina kubatwa nedhimoni ini, asi ndinokudza Baba vangu uye imi munondizvidza. Handizvitsvakiri kukudzwa; asi aripo mumwe anotsvaka kukudzwa, uye ndiye mutongi. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.” Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti une dhimoni iwe! Abhurahama akafa navaprofita vakafawo, asi iwe unoti kana munhu akachengeta shoko rako, haangatongoraviri rufu. Ko, iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama here? Ivo vakafa, uye vaprofita vakafawo. Unofunga kuti iwe ndiwe ani?” Jesu akapindura akati, “Kana ini ndichizvirumbidza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo. Baba vangu, avo vamunoti ndivo Mwari wenyu, ndivo vanondikudza. Kunyange musingavazivi, ini ndinovaziva. Dai ndanga ndati handivazivi, ndingadai ndava murevi wenhema semi, asi ndinovaziva uye ndinochengeta shoko ravo. Baba venyu Abhurahama vakafara pavakafunga kuti vachaona zuva rangu; vakariona uye vakafara.” VaJudha vakati, “Iwe hausati watombova namakore makumi mashanu okuzvarwa, asi unoti iwe wakaona Abhurahama!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Abhurahama asati azvarwa ini ndiripo!” Ipapo, vakanonga matombo kuti vamutake, asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi.
Johani 8:21-59 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akatizve kwavari, “Ndinoenda, muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imi hamungauyipo.” Zvino vaJudha vakati, “Achazviuraya kanhi, zvaanoti, pandinoenda, imi hamungauyipo?” Akati kwavari, “Imi muri vapasi, ini ndiri wokumusoro; imi muri venyika ino, ini handisi wenyika ino. Naizvozvo ndakati kwamuri, muchafira muzvivi zvenyu, nokuti kana musinganditendi, kuti, ‘Ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.’ ” Zvino vakati kwaari, “Iwe ndiwe aniko?” Jesu akati kwavari, “Izvo zvandinongoramba ndichikuudzai kubva pakutanga. Ndine zvizhinji zvandinoda kureva nokutonga pamusoro penyu; asi akandituma ndowechokwadi; izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinoudza nyika.” Asi havana kunzwisisa kuti anovaudza zvababa. Naizvozvo Jesu akati, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye kuti ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinotaura izvozvo zvandakadzidziswa nababa. “Akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.” Akati areva izvozvo, vazhinji vakatenda kwaari. Zvino Jesu akati kuvaJudha avo, vakanga vamutenda, “Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva chokwadi, nechokwadi chichakusunungurai.” Vakamupindura, vakati, “Tiri vorudzi rwaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti, ‘Muchasunungurwa?’ ” Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoita zvivi, ndiye muranda wezvivi. Muranda haagari mumba nokusingaperi; mwanakomana ndiye anogara nokusingaperi. Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. Ndinoziva kuti muri rudzi rwaAbhurahamu; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu hariwani nzvimbo mamuri. “Ini ndinotaura zvandakaona kuna baba vangu; imi munoitawo zvamanzwa kuna baba venyu.” Vakapindura, vakati kwaari, “Baba vedu ndiAbhurahamu.” Jesu akati kwavari, “Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu. Asi zvino munotsvaka kundiuraya, ini munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahamu haana kuita izvozvo. Imi munoita mabasa ababa venyu.” Vakati kwaari, “Hatina kuberekwa noupombwe; tina baba vamwechete, iye Mwari.” Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva baba venyu, maindida ini; nokuti ndakabuda, ndikabva kuna Mwari. Nokuti handina kuuya nokuda kwangu ini, asi ndiye akandituma. Hamunzwisisi seiko kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu. Imi muri vababa venyu Dhiabhori, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye akanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, anoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo. Asi ini, zvandinoreva chokwadi, hamunditendi. Ndianiko kwamuri angakonese kuti ndine zvivi? Kana ndichireva chokwadi, munoregereiko kunditenda? Ari waMwari, anonzwa mashoko aMwari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamusiri muri vaMwari.” VaJudha vakapindura, vakati kwaari, “Hatina kureva here, tichiti, uri muSamaria, une mweya wakaipa?” Jesu akapindura, akati, “Handina mweya wakaipa, asi ndinokudza baba vangu, zvino imi mondizvidza. Ini handitsvaki kuti ndikudzwe; ariko mumwe anozvitsvaka, achitonga. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.” VaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti unemweya wakaipa; Abhurahamu akafa, navaporofitawo; zvino iwe unoti, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu. “Ko iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahamu, vakafa, kanhi? Navaporofita vakafa? Unozviita aniko?” Jesu akapindura, akati, “Kana ini ndichizvikudza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo; anondikudza ndivo baba, avo vamunoti ndiMwari wenyu. Hamuna kuvaziva imi, asi ini ndinovaziva; kana ini ndikati handivazivi, ndava murevi wenhema semi; asi ndinovaziva ini, ndinochengeta shoko ravo. “Abhurahamu, baba venyu, vakafara, vachiti, vachaona zuva rangu; vakariona, vakafara.” Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Iwe ugere kusvika makore ana makumi mashanu, wakaona Abhurahamu sei?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ‘Abhurahamu asati avapo, ini ndaivapo.’ ” Ipapo vakanonga mabwe kuti vamutake nawo; asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi.
Johani 8:21-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akatizve, “Ndava kuenda, imi muchanditsvaka asi muchafira muzvitadzo zvenyu. Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.” VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?” Akati kwavari, “Imi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro, imi muri vapasi pano, ini handisi wapasi pano. Ndakutaurirai kuti muchafira muzvitadzo zvenyu kunze kwokunge matotenda kuti, ‘Ndiri iye wandiri.’ ” Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari, “Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga. Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu, uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo. Asi iye akandituma ari pachokwadi saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.” Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’ uye kuti handiiti zvomusoro wangu asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba. Iye akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga nokuti ndinogaroita zvinomufadza.” Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari. Jesu akati kuna vaJudha vakanga vatenda maari, “Kana mukagara muchichengeta izwi rangu, muri vadzidzi vangu chaivo uye muchaziva chokwadi, uyezve chokwadi chichakupai rusununguko.” Vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu hatisati tambova varanda vomumwe munhu. Zvino ungagotaura sei uchiti muchawana rusununguko?” Jesu akavapindura achiti, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, munhu wose anopara chitadzo muranda wechitadzo. Mumhuri, muranda mupfuuri chete, asi mwana ndewemo nokusingaperi. Saizvozvo kana Mwanakomana akakupai rusununguko muchava norusununguko ruzere. Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu, asi munoda kundiuraya nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri. Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu. Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.” Vakamupindurawo vachiti, “Abhurahamu ndivo Baba vedu.” Jesu akavati, “Dai muri vana vaAbhurahamu mungadai muchiita zvaiitwa naAbhurahamu. Asi zvino munoda kundiuraya; ini ndiri munhu akakutaurirai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Izvi hazvisirizvo zvaiitwa naAbhurahamu. Imi munoita zvinoitwa nababa venyu.” Ivo vakati kwaari, “Isu hatisi vana vomusango. Tina Baba mumwechete, iye Mwari pachake.” Jesu wakavati, “Dai Mwari ari Baba venyu mungadai muchindida nokuti Mwari ndiye dzinde rokwandinobva. Handina kungouyawo zvomusoro wangu asi iye ndiye akandituma. Hamunzwisisi sei zvandinotaura? Chikonzero ndechokuti imi hamudi kunzwa zvandinoreva. Imi muri vana vababa venyu Dhiabhori uye chamakasarudza, kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari mhondi kubvira pakutanga, uye haanei nechokwadi nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, ari kutotaura maererano nezvaari nokuti iye munyepi uye ndibaba wamanyepo. Pamusana pokuti ndinotaura chokwadi, hamunditendi. Ndiani pakati penyu anganditi ndine mhosva yechitadzo? Ko zvino kana ndichitaura chokwadi ngei musingatendi mandiri. Munhu waMwari anonzwa zvinotaurwa naMwari nezvo imi hamuzvinzwi nokuti hamusi vanhu vaMwari.” VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatina kutaura chokwadi here isu kuti iwe uri muSamaria, uye kuti una mweya wakaipa?” Jesu akapindura achiti, “Ini handina mweya wakaipa. Ini ndinoremekedza Baba vangu asi imi munondishora. Asi ini handitsvaki mbiri yangu asi aripo mumwe anonditsvakira iyeyo ndiye achava mutongi. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu.” VaJudha vakati kwaari, “Zvino tava kuziva kuti une mweya wakaipa Abhurahamu; akafa vaporofitawo vakafa; asi iwe unoti munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu. Uri mukuru here pana baba vedu Abhurahamu akafa iwe uye vaporofita vakafa? Unozviti ani iwe?” Jesu akati, “Ini ndikazvirumbidza mbiri yangu haina maturo, Baba vangu ndivo vanondirumbidza, ivo vamunoti ndivo Mwari wenyu. Imi hamundizivi asi ini ndinovaziva. Kana ndikati handizivi, ndingatova munyepi semi; asi ini ndinovaziva uye ndinochengeta izwi ravo. Tateguru venyu Abhurahamu vakafarira kuti dai aizongoonawo nguva yangu akaiona akafara.” VaJudha vakati kwaari, “Iwe hausati wava namakore makumi mashanu ndopaungati wakaona Abhurahamu iwe?” Jesu akavati, “Zvechokwadi chaizvo Abhurahamu asati ambovapo INI NDIRI.” Naizvozvo vakanonga matombo kuti vamutake nawo asi Jesu akavanda akabva abuda muTemberi.
Johani 8:21-59 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati ɀe kwaʋari: Ndinoenda, mucanditȿaka, mukafira muɀiʋi ɀenyu; pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po. Ɀino ʋaJuda ʋakati: Ucaɀiʋuraya kanhi, ɀaanoti: Pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po? Akati kwaʋari: Imi muri ʋapasi, ini ndiri wokumsoro; imi muri ʋenyika ino, ini handizi wenyika ino. Naiɀoɀo ndakati kwamuri: Mucafira muɀiʋi ɀenyu, nokuti kana musiŋganditendi, kuti ndini iye, mucafira muɀiʋi ɀenyu. Ɀino ʋakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwaʋari: Iɀo ɀandinoŋgoramba ndicikuʋudzai kubva pakutaŋga. Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kureʋa nokutoŋga pamsoro penyu; asi wakandituma ndowaɀokwaɗi; iɀo ɀandakanzwa kwaari, ndiɀo ɀandinoʋudza nyika. Asi haʋana‐kunzwisisa kuti unoʋaʋudza ɀaƂaɓa. Naiɀoɀo Jesu akati: Kana masimudza Mŋanakomana womunhu, ipapo mucaziʋa kuti ndini iye, ʋuye kuti ini handiiti cinhu ndimene, asi ndinoreʋa iɀoɀo ɀandakadzidziswa naƂaɓa. Wakandituma uneni. Haana‐kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita ŋguʋa dzose ɀinomufadza. Wakati areʋa iɀoɀo, ʋazhinji ʋakatenda kwaari. Ɀino Jesu wakati kuʋaJuda aʋo, ʋakaŋga ʋamutenda: Kana imi mucigara mushoko raŋgu, muri ʋadzidzi ʋaŋgu ɀirokwaɀo. Mucaziʋa ɀokwaɗi, neɀokwaɗi icakusunuŋgurai. Ʋakamupindura, ʋakati: Tiri ʋorudzi rwaAbrahama isu, hatina‐kutoŋgoʋa ʋaranda ʋomunhu; ɀino iwe uŋgareʋa seiko kuti mucasunuŋgurwa? Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, ndiye muranda weɀiʋi. Muranda haagari mumba nokusiŋgaperi; mŋanakomana ndiye unogara nokusiŋgaperi. Naiɀoɀo kana Mŋanakomana acikusunuŋgurai, mucaʋa ʋakasunuŋguka kwaɀo. Ndinoziʋa kuti muri rudzi rwaAbrahama; asi munotȿaka kundiʋuraya, nokuti shoko raŋgu hariendiki mukati menyu. Ini ndinoreʋa iɀo ɀandakaʋona kunaƂaɓa ʋaŋgu; imi munoita ʋo ɀamanzwa kunaɓaɓa ʋenyu. Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ƃaɓa ʋeɗu ndiAbrahama. Jesu akati kwaʋari: Ƌai maiʋa ʋana ʋaAbrahama, maiita maɓasa aAbrahama. Asi ɀino munotȿaka kundiʋuraya, ini munhu wakakuʋudzai ɀokwaɗi, yandakanzwa kunaMŋari. Abrahama haana‐kuita iɀoɀo. Imi munoita maɓasa aɓaɓa ʋenyu. Ʋakati kwaari: Hatina‐kuɓerekwa noʋupombge; tinaƂaɓa ʋamŋe, iye Mŋari. Jesu akati kwaʋari: Ƌai Mŋari aiʋa Ƃaɓa ʋenyu, maindiɗa ini; nokuti Ndakaɓuɗa, ndikabva kunaMŋari. Nokuti handina‐kuɀiʋuyira ini ndimene, asi ndiye wakandituma. Hamunzwisisi seiko kutaura kwaŋgu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko raŋgu. Imi muri ʋaɓaɓa ʋenyu Diaborosi, munoɗa kuita kuɗa kwakaipa kwaɓaɓa ʋenyu. Iye wakaŋga ari muʋurayi kubva pakutaŋga; haamiri muɀokwaɗi, nokuti maari hamuneɀokwaɗi. Kana acireʋa nhema, unoreʋa ɀake, nokuti ndiye wenhema, ʋuye ɓaɓa ʋadzo. Asi ini, ɀandinoreʋa ɀokwaɗi, hamunditendi. Ndianiko kwamuri uŋganditendisa kuti ndineɀiʋi? Kana ndicireʋa ɀokwaɗi, munoregereiko kunditenda? Uri waMŋari, unonzwa mashoko aMŋari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamuzati muri ʋaMŋari. ƲaJuda ʋakapindura, ʋakati kwaari: Hatinakureʋa kwaɀo here, ticiti: Uri muSamaria, unomŋeya wakaipa? Jesu akapindura, akati: Handinomŋeya wakaipa, asi ndinokudza Ƃaɓa ʋaŋgu, ɀino imi mondiɀidza. Ini handitȿaki kuti ndikudzwe; uri’ko mumŋe unoɀitȿaka, acitoŋga. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akaceŋgeta shoko raŋgu, haaŋgatoŋgoʋoni rufu. ƲaJuda ʋakati kwaari: Tinoziʋa ɀino kuti unomŋeya wakaipa; Abrahama wakafa, naʋaprofita ʋo; ɀino iwe unoti: Kana munhu akaceŋgeta shoko raŋgu, haaŋgatoŋgoʋoni rufu. Ko iwe uri mukuru kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, ʋakafa, kanhi? naʋaprofita ʋakafa? Unoɀiita aniko? Jesu akapindura, akati: Kana ini ndiciɀikudza, kuɀikudza kwaŋgu hakunamaturo; unondikudza ndiʋo Ƃaɓa, aʋo ʋamunoti ndiMŋari wenyu. Hamuna‐kuʋaziʋa imi, asi ini ndinoʋaziʋa; kana ini ndikati handiʋaziʋi, ndaʋa mureʋi wenhema semi; asi ndinoʋaziʋa ini, ndinoceŋgeta shoko raʋo. Abrahama, ɓaɓa ʋenyu, ʋakafara, ʋaciti ʋacaʋona zuʋa raŋgu; ʋakariʋona, ʋakafara. Ipapo ʋaJuda ʋakati kwaari: Iwe ugere kuȿika makore anamakumi mashanu, wakaʋona Abrahama sei? Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Abrahama asati aʋa’po, ini ndaiʋa’po. Ipapo ʋakanoŋga mabge kuti ʋamutake nawo; asi Jesu wakaɀiʋanza, akaɓuɗa mutembere.
Johani 8:21-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)