Jesu akataurazve kwavari achiti,
“Ndini mwenje wapasi
anonditevera haafambi murima
achave nechiedza choupenyu.”
VaFarisei vakati kwaari, “Uri kuzvipupurira. Kuzvipupurira kwako hakusi kwechokwadi.” Jesu akapindura achiti,
“Kunyange zvangu ndichizvipupurira,
kuzvipupurira kwangu ndekwechokwadi
nokuti ndinoziva kwandinobva uye kwandinoenda,
asi imi hamuzive kwandinobva uye kwandinoenda.
Imi munotonga namatongero avanhu,
ini hapana wandinotonga ndichidaro.
Kunyange dai ndaitonga zvangu,
kutonga kwangu ndekwechokwadi
nokuti handitongi nokwangu ndoga,
asi pamwechete naiye wakandituma.
Mumutemo wenyu makanyorwa kuti
uchapupu hwavaviri ndehwechokwadi.
Ndinozvipupurira
uye Baba vakandituma vanondipupurirawo.”
Vakati kwaari, “Ivo Baba vako varipiko?” Jesu akavapindura achiti,
“Hamundizivi uye hamuzivi Baba vangu.
Dai maindiziva mazivawo Baba vangu.”
Mazwi aya akaataura ari nechekwaichengeterwa mari achidzidzisa ari muTemberi. Asi hapana akamusunga nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
Akatizve,
“Ndava kuenda, imi muchanditsvaka
asi muchafira muzvitadzo zvenyu.
Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.”
VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?” Akati kwavari,
“Imi munobva pasi,
ini ndinobva kumusoro,
imi muri vapasi pano,
ini handisi wapasi pano.
Ndakutaurirai kuti
muchafira muzvitadzo zvenyu
kunze kwokunge matotenda kuti,
‘Ndiri iye wandiri.’ ”
Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari,
“Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga.
Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu,
uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo.
Asi iye akandituma ari pachokwadi
saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.”
Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. Naizvozvo Jesu akati kwavari,
“Kana masimudza Mwanakomana womunhu
ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’
uye kuti handiiti zvomusoro wangu
asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba.
Iye akandituma aneni.
Haana kundisiya ndiri ndoga
nokuti ndinogaroita zvinomufadza.”
Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari.
Jesu akati kuna vaJudha vakanga vatenda maari,
“Kana mukagara muchichengeta izwi rangu,
muri vadzidzi vangu chaivo
uye muchaziva chokwadi,
uyezve chokwadi chichakupai rusununguko.”
Vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu hatisati tambova varanda vomumwe munhu. Zvino ungagotaura sei uchiti muchawana rusununguko?” Jesu akavapindura achiti,
“Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri,
munhu wose anopara chitadzo muranda wechitadzo.
Mumhuri, muranda mupfuuri chete,
asi mwana ndewemo nokusingaperi.
Saizvozvo kana Mwanakomana
akakupai rusununguko muchava norusununguko ruzere.
Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu,
asi munoda kundiuraya
nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri.
Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu.
Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.”