Johani 8:12-38
Johani 8:12-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.” Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda. Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu. Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handisi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma. Mumurayiro wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi. Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.” Ipapo vakamubvunza vakati, “Baba vako varipiko?” Jesu akapindura akati, “Hamundizivi ini kana Baba vangu. Dai maindiziva mungadai maizivawo Baba vangu.” Akataura mashoko aya paakanga achidzidzisa ari mutemberi pedyo nenzvimbo yaiiswa zvipo. Asi hapana munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.” Izvi zvakaita kuti vaJudha vabvunzane vachiti, “Achazviuraya here? Ndizvo zvaanoreva here zvaanoti, ‘Kwandinoenda, imi hamungauyiko?’ ” Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handisi wenyika ino. Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.” Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?” Jesu akapindura akati, “Izvozvo zvandanguri ndataura kare kuti ndini iye. Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.” Havana kunzwisisa kuti akanga achivaudza nezvaBaba. Saka Jesu akati kwavari, “Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga. Uyo akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinomufadza.” Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari. Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anotadza ndiye muranda wechivi. Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi. Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri. Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.”
Johani 8:12-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akataurazve navo, akati, “Ndini chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” Naizvozvo vaFarisi vakati kwaari, “Anozvipupurira iwe; kupupura kwako hakusi kwechokwadi.” Jesu akapindura, akati kwavari, “Kunyange ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda. “Imi munotonga nenyama; ini handitongi munhu. Asi kunyange ndichitonga, kutonga kwangu ndokwechokwadi; nokuti handisi ndoga, asi ini nababa vakandituma. Uye mumurayiro wenyu makanyorwa, kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi. Ndini ndinozvipupurira, nababa vakandituma, vanondipupurirawo.” Zvino vakati kwaari, “Baba vako varipiko?” Jesu akapindura, akati, “Hamundizivi ini, kunyange nababa vanguo; dai maindiziva ini, maizivawo nababa vangu.” Akataura mashoko awa paichengeterwa mari achidzidzisa mutemberi; kwakanga kusina munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Zvino akatizve kwavari, “Ndinoenda, muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imi hamungauyipo.” Zvino vaJudha vakati, “Achazviuraya kanhi, zvaanoti, pandinoenda, imi hamungauyipo?” Akati kwavari, “Imi muri vapasi, ini ndiri wokumusoro; imi muri venyika ino, ini handisi wenyika ino. Naizvozvo ndakati kwamuri, muchafira muzvivi zvenyu, nokuti kana musinganditendi, kuti, ‘Ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.’ ” Zvino vakati kwaari, “Iwe ndiwe aniko?” Jesu akati kwavari, “Izvo zvandinongoramba ndichikuudzai kubva pakutanga. Ndine zvizhinji zvandinoda kureva nokutonga pamusoro penyu; asi akandituma ndowechokwadi; izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinoudza nyika.” Asi havana kunzwisisa kuti anovaudza zvababa. Naizvozvo Jesu akati, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye kuti ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinotaura izvozvo zvandakadzidziswa nababa. “Akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.” Akati areva izvozvo, vazhinji vakatenda kwaari. Zvino Jesu akati kuvaJudha avo, vakanga vamutenda, “Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva chokwadi, nechokwadi chichakusunungurai.” Vakamupindura, vakati, “Tiri vorudzi rwaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti, ‘Muchasunungurwa?’ ” Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoita zvivi, ndiye muranda wezvivi. Muranda haagari mumba nokusingaperi; mwanakomana ndiye anogara nokusingaperi. Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. Ndinoziva kuti muri rudzi rwaAbhurahamu; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu hariwani nzvimbo mamuri. “Ini ndinotaura zvandakaona kuna baba vangu; imi munoitawo zvamanzwa kuna baba venyu.”
Johani 8:12-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akataurazve kwavari achiti, “Ndini mwenje wapasi anonditevera haafambi murima achave nechiedza choupenyu.” VaFarisei vakati kwaari, “Uri kuzvipupurira. Kuzvipupurira kwako hakusi kwechokwadi.” Jesu akapindura achiti, “Kunyange zvangu ndichizvipupurira, kuzvipupurira kwangu ndekwechokwadi nokuti ndinoziva kwandinobva uye kwandinoenda, asi imi hamuzive kwandinobva uye kwandinoenda. Imi munotonga namatongero avanhu, ini hapana wandinotonga ndichidaro. Kunyange dai ndaitonga zvangu, kutonga kwangu ndekwechokwadi nokuti handitongi nokwangu ndoga, asi pamwechete naiye wakandituma. Mumutemo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwavaviri ndehwechokwadi. Ndinozvipupurira uye Baba vakandituma vanondipupurirawo.” Vakati kwaari, “Ivo Baba vako varipiko?” Jesu akavapindura achiti, “Hamundizivi uye hamuzivi Baba vangu. Dai maindiziva mazivawo Baba vangu.” Mazwi aya akaataura ari nechekwaichengeterwa mari achidzidzisa ari muTemberi. Asi hapana akamusunga nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Akatizve, “Ndava kuenda, imi muchanditsvaka asi muchafira muzvitadzo zvenyu. Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.” VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?” Akati kwavari, “Imi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro, imi muri vapasi pano, ini handisi wapasi pano. Ndakutaurirai kuti muchafira muzvitadzo zvenyu kunze kwokunge matotenda kuti, ‘Ndiri iye wandiri.’ ” Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari, “Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga. Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu, uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo. Asi iye akandituma ari pachokwadi saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.” Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’ uye kuti handiiti zvomusoro wangu asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba. Iye akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga nokuti ndinogaroita zvinomufadza.” Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari. Jesu akati kuna vaJudha vakanga vatenda maari, “Kana mukagara muchichengeta izwi rangu, muri vadzidzi vangu chaivo uye muchaziva chokwadi, uyezve chokwadi chichakupai rusununguko.” Vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu hatisati tambova varanda vomumwe munhu. Zvino ungagotaura sei uchiti muchawana rusununguko?” Jesu akavapindura achiti, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, munhu wose anopara chitadzo muranda wechitadzo. Mumhuri, muranda mupfuuri chete, asi mwana ndewemo nokusingaperi. Saizvozvo kana Mwanakomana akakupai rusununguko muchava norusununguko ruzere. Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu, asi munoda kundiuraya nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri. Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu. Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.”
Johani 8:12-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakataura ɀe naʋo, akati: Ndini ciedza cenyika; unonditeʋera haaŋgatoŋgofambi murima, asi ucaʋa neciedza coʋupenyu. Naiɀoɀo ʋaFarise ʋakati kwaari: Unoɀipupurira iwe; kupupura kwako hakuzi kwaɀokwaɗi. Jesu akapindura, akati kwaʋari: Kunyaŋge ndiciɀipupurira, kupupura kwaŋgu ndokwaɀokwaɗi; nokuti ndinoziʋa kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuziʋi kwandakabva, nokwandinoenda. Imi munotoŋga nenyama; ini handitoŋgi munhu. Asi kunyaŋge ndicitoŋga, kutoŋga kwaŋgu ndokwaɀokwaɗi; nokuti handizi ndoga, asi ini naƂaɓa ʋakandituma. Ʋuye mumurairo wenyu makanyorwa, kuti kupupura kwaʋanhu ʋaʋiri ndokwaɀowaɗi. Ndini ndinoɀipupurira, naƂaɓa ʋakandituma, ʋanondipupurira ʋo. Ɀino ʋakati kwaari: Ƃaɓa ʋako ʋaripiko? Jesu akapindura, akati: Hamundiziʋi ini, kunyaŋge naƂaɓa ʋaŋgu ʋo; ɗai maindiziʋa ini, maiziʋa ʋo naƂaɓa ʋaŋgu. Wakataura mashoko awa paciʋigiro cemari acidzidzisa mutembere; kwakaŋga kusinomunhu wakamuɓata, nokuti ŋguʋa yake yakaŋga isati yaȿika. Ɀino wakati ɀe kwaʋari: Ndinoenda, mucanditȿaka, mukafira muɀiʋi ɀenyu; pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po. Ɀino ʋaJuda ʋakati: Ucaɀiʋuraya kanhi, ɀaanoti: Pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po? Akati kwaʋari: Imi muri ʋapasi, ini ndiri wokumsoro; imi muri ʋenyika ino, ini handizi wenyika ino. Naiɀoɀo ndakati kwamuri: Mucafira muɀiʋi ɀenyu, nokuti kana musiŋganditendi, kuti ndini iye, mucafira muɀiʋi ɀenyu. Ɀino ʋakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwaʋari: Iɀo ɀandinoŋgoramba ndicikuʋudzai kubva pakutaŋga. Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kureʋa nokutoŋga pamsoro penyu; asi wakandituma ndowaɀokwaɗi; iɀo ɀandakanzwa kwaari, ndiɀo ɀandinoʋudza nyika. Asi haʋana‐kunzwisisa kuti unoʋaʋudza ɀaƂaɓa. Naiɀoɀo Jesu akati: Kana masimudza Mŋanakomana womunhu, ipapo mucaziʋa kuti ndini iye, ʋuye kuti ini handiiti cinhu ndimene, asi ndinoreʋa iɀoɀo ɀandakadzidziswa naƂaɓa. Wakandituma uneni. Haana‐kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita ŋguʋa dzose ɀinomufadza. Wakati areʋa iɀoɀo, ʋazhinji ʋakatenda kwaari. Ɀino Jesu wakati kuʋaJuda aʋo, ʋakaŋga ʋamutenda: Kana imi mucigara mushoko raŋgu, muri ʋadzidzi ʋaŋgu ɀirokwaɀo. Mucaziʋa ɀokwaɗi, neɀokwaɗi icakusunuŋgurai. Ʋakamupindura, ʋakati: Tiri ʋorudzi rwaAbrahama isu, hatina‐kutoŋgoʋa ʋaranda ʋomunhu; ɀino iwe uŋgareʋa seiko kuti mucasunuŋgurwa? Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, ndiye muranda weɀiʋi. Muranda haagari mumba nokusiŋgaperi; mŋanakomana ndiye unogara nokusiŋgaperi. Naiɀoɀo kana Mŋanakomana acikusunuŋgurai, mucaʋa ʋakasunuŋguka kwaɀo. Ndinoziʋa kuti muri rudzi rwaAbrahama; asi munotȿaka kundiʋuraya, nokuti shoko raŋgu hariendiki mukati menyu. Ini ndinoreʋa iɀo ɀandakaʋona kunaƂaɓa ʋaŋgu; imi munoita ʋo ɀamanzwa kunaɓaɓa ʋenyu.
Johani 8:12-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)