Vamwe vanhu vaiva mugungano iroro, pavakanzwa mazwi aya vakati, “Uyu ndiye chaiye muporofita uya.” Vamwewo vakati, “Uyu ndiye Mesia uyu.” Vamwe vakatiwo, “Mesia anofanira kubva kuGarirea here? Handiti Magwaro Matsvene anoti, ‘Mesia anofanira kuva chizvarwa chaDhavhidhi uye kuti anobva kuBheterehemu, musha waigara Dhavhidhi.’ ” Saizvozvo pakava nokutsaukana mukati mavanhu pamusana pake. Vamwe vaitoda kumusunga asi hapana kana neakambomubata zvake. Mapurisa aya akadzokera kuvapristi vakuru navaFarisei avo vakavati, “Sei musina kuuya naye?” Mapurisa akati, “Hapana munhu ati ambotaura somunhu uyu.” VaFarisei vakapindura vachiti, “Nemiwo marasiswa nhai? Pane mumwe wavakuru–vakuru kana mumwe wavaFarisei akatenda maari here kusiya vanamunhuwo zvavo ava vasingazivi mutemo uye vane rushambwa ava?” Nikodhimasi, uya akamboenda kwaari aiva mumwe wavo akati kwavari. “Zviya, handiti mutemo wedu haupe munhu mhosva asina kutanga ambonzwika uye kuziva zvaanoita?” Ivo vakapindura vachiti, “Asi newewo unobva kuGarirea su? Tsvagaka uone zvako kuti hakuna muporofita anobva kuGarirea.” Mumwe nomumwe akaenda kumusha kwake.
Verenga chikamu Johani 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 7:40-53
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo