Johani 7:40-53
Johani 7:40-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.” Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea? Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?” Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu. Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari. Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?” Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.” VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo? Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here? Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.” Nikodhimasi, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati, “Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?” Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarirea? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.” Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.

Johani 7:40-53 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vamwe pakati pavanhu vazhinji vakati vachinzwa mashoko awa, vakati, “Zvirokwazvo uyu muporofita.” Vamwe vakati, “Uyu ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Ko Kristu angabva Gariria here? Rugwaro haruna kureva here, kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi, napamusha weBheterehemu, paiva naDhavhidhi?” Naizvozvo kupesana kwakamuka pamusoro pake pakati pavazhinji. Vamwe vakanga vachida kumubata; asi kwakanga kusina akaisa maoko kwaari. Zvino mapurisa akauya kuvapristi vakuru nokuvaFarisi, ivo vakati kwavari, “Makaregereiko kuuya naye?” Mapurisa akapindura, akati, “Hakuna munhu akatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.” Naizvozvo vaFarisi vakavapindura, vakati, “Nemiwo matsauswa kanhi? Kuvakuru nokuvaFarisi kuno mumwe akatongotenda kwaari here? Asi vanhu ava vazhinji, vasingazivi murayiro, vakatukwa.” Nikodhimo, (uya akambouya kwaari, aiva mumwe wavo), akati kwavari, “Murayiro wedu unotonga munhu, vasati vambomunzwa, nokuziva chaanoita here?” Vakapindura, vakati kwaari, “Ko newewo uri weGariria here? Nzvera, uone kuti hakuna muporofita, anobva Gariria.” [ Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
Johani 7:40-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vamwe vanhu vaiva mugungano iroro, pavakanzwa mazwi aya vakati, “Uyu ndiye chaiye muporofita uya.” Vamwewo vakati, “Uyu ndiye Mesia uyu.” Vamwe vakatiwo, “Mesia anofanira kubva kuGarirea here? Handiti Magwaro Matsvene anoti, ‘Mesia anofanira kuva chizvarwa chaDhavhidhi uye kuti anobva kuBheterehemu, musha waigara Dhavhidhi.’ ” Saizvozvo pakava nokutsaukana mukati mavanhu pamusana pake. Vamwe vaitoda kumusunga asi hapana kana neakambomubata zvake. Mapurisa aya akadzokera kuvapristi vakuru navaFarisei avo vakavati, “Sei musina kuuya naye?” Mapurisa akati, “Hapana munhu ati ambotaura somunhu uyu.” VaFarisei vakapindura vachiti, “Nemiwo marasiswa nhai? Pane mumwe wavakuru–vakuru kana mumwe wavaFarisei akatenda maari here kusiya vanamunhuwo zvavo ava vasingazivi mutemo uye vane rushambwa ava?” Nikodhimasi, uya akamboenda kwaari aiva mumwe wavo akati kwavari. “Zviya, handiti mutemo wedu haupe munhu mhosva asina kutanga ambonzwika uye kuziva zvaanoita?” Ivo vakapindura vachiti, “Asi newewo unobva kuGarirea su? Tsvagaka uone zvako kuti hakuna muporofita anobva kuGarirea.” Mumwe nomumwe akaenda kumusha kwake.
Johani 7:40-53 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋamŋe pakati paʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacinzwa mashoko awa, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu muprofita. Ʋamŋe ʋakati: Uyu ndiye Kristu. Asi ʋamŋe ʋakati: Ko Kristu uŋgabva Garirea here? Rugwaro haruna‐kureʋa here, kuti Kristu ucabva kurudzi rwaDavidi, napamusha weBetrehema, paiʋa naDavidi? Naiɀoɀo kupesana kwakamuka pamsoro pake pakati paʋazhinji. Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciɗa kumuɓata; asi kwakaŋga kusina‐wakaisa maʋoko kwaari. Ɀino ʋatariri ʋakaʋuya kuʋaprista ʋakuru nokuʋaFarise, iʋo ʋakati kwaʋari: Makaregereiko kuʋuya naye? Ʋatariri ʋakapindura, ʋakati: Hakunomunhu wakatoŋgotaura nokutaura kwomunhu uyo. Naiɀoɀo ʋaFarise ʋakaʋapindura, ʋakati: Nemi ʋo matsauswa kanhi? Kuʋakuru nokuʋaFarise kunomumŋe wakatoŋgotenda kwaari here? Asi ʋanhu aʋa ʋazhinji, ʋasiŋgaziʋi murairo, ʋakatukwa. Nikodimo, (uya wakamboʋuya kwaari, waiʋa mumŋe waʋo), akati kwaʋari: Murairo weɗu unotoŋga munhu, usati wambomunzwa, nokuziʋa caanoita here? Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ko newe ʋo uri weGarirea here? Nɀera, uʋone kuti hakunomuprofita, unobva Garirea. [Ipapo mumŋe nomumŋe wakaenda kumba kwake.
Johani 7:40-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)