Ɀino ʋamŋe pakati paʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacinzwa mashoko awa, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu muprofita. Ʋamŋe ʋakati: Uyu ndiye Kristu. Asi ʋamŋe ʋakati: Ko Kristu uŋgabva Garirea here? Rugwaro haruna‐kureʋa here, kuti Kristu ucabva kurudzi rwaDavidi, napamusha weBetrehema, paiʋa naDavidi? Naiɀoɀo kupesana kwakamuka pamsoro pake pakati paʋazhinji. Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciɗa kumuɓata; asi kwakaŋga kusina‐wakaisa maʋoko kwaari. Ɀino ʋatariri ʋakaʋuya kuʋaprista ʋakuru nokuʋaFarise, iʋo ʋakati kwaʋari: Makaregereiko kuʋuya naye? Ʋatariri ʋakapindura, ʋakati: Hakunomunhu wakatoŋgotaura nokutaura kwomunhu uyo. Naiɀoɀo ʋaFarise ʋakaʋapindura, ʋakati: Nemi ʋo matsauswa kanhi? Kuʋakuru nokuʋaFarise kunomumŋe wakatoŋgotenda kwaari here? Asi ʋanhu aʋa ʋazhinji, ʋasiŋgaziʋi murairo, ʋakatukwa. Nikodimo, (uya wakamboʋuya kwaari, waiʋa mumŋe waʋo), akati kwaʋari: Murairo weɗu unotoŋga munhu, usati wambomunzwa, nokuziʋa caanoita here? Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ko newe ʋo uri weGarirea here? Nɀera, uʋone kuti hakunomuprofita, unobva Garirea. [Ipapo mumŋe nomumŋe wakaenda kumba kwake.
Verenga chikamu Johane 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johane 7:40-53
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo