Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 7:25-39

Johani 7:25-39 SCLB

Nezvo vamwe vanhu vokuJerusaremu vakati, “Haasi iye munhu wavari kuda kuuraya here uyu. Hoyu ari kutaura pachena chena; asi hapana chavari kutaura kwaari, zvinoreva here kuti vakuru vakuru vava kunyatsoziva kuti uyu ndiye Mesia. Kunobva munhu uyu tinokuzivaka isu asi kana Mesia ouya hapana anoziva kwaanobva.” Naizvozvo Jesu akadaidzira achidzidzisa muTemberi achiti, “Heya munotondiziva nokwandinobva kwose nhai? Asi ini handina kungouya zvomusoro wangu ndakatotumwa nouyo ari pachokwadi wamusingazivi imi. Ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uyewo ndiye akandituma.” Naizvozvo vakada kumusunga. Asi hapana akambomubata nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji vakatenda maari vachiti, “Ko iye Kristu kana azouya, achaita zviratidzo zvakawanda kupfuura zvakaitwa nomunhu uyu here?” VaFarisei vakanzwa zevezeve raiitwa navanhu nezvake. Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisei, vakatuma mapurisa apaTemberi kundomusunga. Jesu akati, “Ndichangova nemi kwekanguva kadiki; ndozodzokera kune wakandituma. Muchanditsvaka asi hamundiwani uye kwandinenge ndiri hamukwanisi kuuyako.” VaJudha vakataurirana vachiti, “Ko munhu uyu ari kuda kuenda kupiko, kwatisingakwanisi kumuwana? Arikuda kuenda kuvaJudha vakapararira kuvaGiriki achindodzidzisa vaGiriki here? Ko anoreveiko kana achiti, “ ‘Muchanditsvaka asi hamundiwani uye kwandinenge ndaenda imi hamukwanisi kuuyako.’ ” Pazuva rokupedzisa ramazuva makuru aya zuva racho rakanga riri guru kupinda ose zvawo Jesu akasimuka akaparidza achiti, “Aninani ane nyota ngaauye kwandiri anwe. Aninani anodavira mandiri, sokutaura kunoita Magwaro Matsvene mumwoyo make muchaerera nzizi dzemvura youpenyu.” Izvozvo aitaura nezvaMweya aizogamuchirwa navanotenda maari nokuti Mweya akanga asati apiwa kuvanhu nokuti Jesu akanga asati awaniswa mbiri yake.

Verenga chikamu Johani 7