Zvino vamwe veJerusaremu vakati, “Ko haasi iye avaitsvaka kuuraya here? Tarirai, anotaura pachena, vasingarevi chinhu kwaari. Ko vakuru vanoziva kwazvo kanhi kuti ndiye Kristu? Zvino uyu tinoziva kwaanobva, asi Kristu kana achisvika, hakuna munhu angaziva kwaanobva.”
Zvino Jesu akadanidzira mutemberi, akadzidzisa, achiti, “Munondiziva, munoziva napandakabva; handina kuuya ini ndimene, asi akandituma ndiye wechokwadi, wamusingazivi imi. Ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari; ndiye akandituma.”
Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi kwakanga kusina munhu akaisa ruoko kwaari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Asi vamwe vazhinji vakatenda kwaari, vakati, “Kana Kristu achizosvika, angaita zviratidzo zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here?”
Zvino vaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachigun'un'una izvozvo pamusoro pake; vapristi vakuru navaFarisi vakatuma mapurisa kundomubata. Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndichiri nemi nguva duku, ndigoenda kune akandituma. Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; uye apo pandiri, imi hamungasvikipo.”
Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti, “Uyo anoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko anoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaGiriki, kuti anodzidzisa vaGiriki here? Rinoti kudiniko shoko iri raareva, rokuti, ‘Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, uye, apo pandiri, imi hamungasvikipo?’ ”
Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu akamira, akadanidzira, akati, “Ani naani, kana ane nyota, ngaauye kwandiri, anwe. ‘Anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.’ ”
Asi izvi akareva Mweya, aizopiwa avo vaitenda kwaari, nokuti Mweya akanga asati avapo, nokuti Jesu akanga asati akudzwa.