Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’ Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri anotenda anoupenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.” VaJudha vakaitirana nharo pachavo vachiti, “Munhu uyu angatipe sei nyama yake kuti tidye?” Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu kudya chaiko uye ropa rangu kunwa chaiko. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri neniwo maari. Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu uye kuti ndinoraramiswa naBaba ndizvozvowo zvinoita vanondidya vachararamiswa neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chisina kufanana nechakadyiwa, namadzitateguru enyu vakafa. Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu. Vamwe vadzidzi vake vazhinji pavakazvinzwa vakati, “Zviri kutaurwa izvi zvakaoma, ndiani angateerera zvakadai.” Asi Jesu paakazviziva nechomumwoyo kuti vadzidzi vake vari kunyunyuta nazvo, akati kwavari, “Zvakugumburai here izvi? Ko maiita sei dai kuri kuti munotoona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva kare. “Mweya ndiwo anopa upenyu; nyama haina maturo. Mazwi andataura kwamuri, mweya noupenyu. “Asi pane vamwe venyu vasingadaviri. Chaimupa kudaro ndechokuti Jesu aiziva kubvira pokutanga kuti ndavanani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.” Akatizve ndokusaka ndakutaurirai kuti, “Hapana angauye kwandiri kana asina kuzvipiwa naBaba.” Mushure maizvozvo vazhinji vavadzidzi vake vakamusiya vakasazofambazve naye. Jesu akati kune vanegumi navaviri vaya, “Kana imi mava kudawo kuenda here?” Simoni Pita akamupindura achiti, “Tenzi tingaende kuna aniko, imi ndimi muna mazwi oupenyu husingaperi. Takadavira uye tinoziva kuti imi ndimi Mutsvene waMwari.” Jesu akapindura achiti, “Ndakakusarudzai muri gumi navairi handiti? Asi mumwe wenyu ndiDhiabhori.” Aitaura nezvaJudhasi mwana waSimoni Isikarioti. Nokuti iyeyu, mumwe chaiye wavanegumi navaviri ndiye aizomutengesa.
Verenga chikamu Johani 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 6:45-71
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo