Johani 6:45-71
Johani 6:45-71 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’ Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri anotenda anoupenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.” VaJudha vakaitirana nharo pachavo vachiti, “Munhu uyu angatipe sei nyama yake kuti tidye?” Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu kudya chaiko uye ropa rangu kunwa chaiko. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri neniwo maari. Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu uye kuti ndinoraramiswa naBaba ndizvozvowo zvinoita vanondidya vachararamiswa neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chisina kufanana nechakadyiwa, namadzitateguru enyu vakafa. Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu. Vamwe vadzidzi vake vazhinji pavakazvinzwa vakati, “Zviri kutaurwa izvi zvakaoma, ndiani angateerera zvakadai.” Asi Jesu paakazviziva nechomumwoyo kuti vadzidzi vake vari kunyunyuta nazvo, akati kwavari, “Zvakugumburai here izvi? Ko maiita sei dai kuri kuti munotoona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva kare. “Mweya ndiwo anopa upenyu; nyama haina maturo. Mazwi andataura kwamuri, mweya noupenyu. “Asi pane vamwe venyu vasingadaviri. Chaimupa kudaro ndechokuti Jesu aiziva kubvira pokutanga kuti ndavanani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.” Akatizve ndokusaka ndakutaurirai kuti, “Hapana angauye kwandiri kana asina kuzvipiwa naBaba.” Mushure maizvozvo vazhinji vavadzidzi vake vakamusiya vakasazofambazve naye. Jesu akati kune vanegumi navaviri vaya, “Kana imi mava kudawo kuenda here?” Simoni Pita akamupindura achiti, “Tenzi tingaende kuna aniko, imi ndimi muna mazwi oupenyu husingaperi. Takadavira uye tinoziva kuti imi ndimi Mutsvene waMwari.” Jesu akapindura achiti, “Ndakakusarudzai muri gumi navairi handiti? Asi mumwe wenyu ndiDhiabhori.” Aitaura nezvaJudhasi mwana waSimoni Isikarioti. Nokuti iyeyu, mumwe chaiye wavanegumi navaviri ndiye aizomutengesa.
Johani 6:45-71 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri. Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa. Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.” Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?” Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho. Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari. Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume. Pavakanzwa izvi, vadzidzi vake vazhinji vakati, “Kudzidzisa uku kwakaoma. Ndianiko angakugamuchira?” Achiziva zvake kuti vadzidzi vake vakanga vachigununʼuna pamusoro paizvozvi, Jesu akati kwavari, “Izvi zvinokugumburai here? Muchaita sei kana mukaona Mwanakomana woMunhu achikwira achienda kwaaimbova kare! Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu. Asi vamwe venyu varipo vasingatendi.” Nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani pakati pavo vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira. Akaenderera mberi achiti, “Ndokusaka ndakuudzai kuti hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge azvipiwa naBaba.” Kubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera. Jesu akabvunza vane gumi navaviri akati, “Nemiwo hamusi kuda kuenda here?” Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi. Tinotenda uye tinoziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” Ipapo Jesu akati, “Handina kukusarudzai, imi vane gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndidhiabhori!” Akanga achireva Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti, uyo, kunyange akanga ari mumwe wavane gumi navaviri, aizomupandukira.

Johani 6:45-71 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Muvaporofita makanyorwa, muchinzi, ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe akazvinzwa kuna baba, akadzidza, anouya kwandiri. Handirevi kuti kune munhu akaona baba; asi uyo anobva kuna Mwari, ndiye akaona baba. “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anotenda, ano hupenyu usingaperi. Ndini chingwa choupenyu. “Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa. Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa. Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.” Zvino vaJudha vakakakavara pakati pavo, vachiti, “Munhu uyu angatipa seiko nyama yake, tidye?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. “Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho, neropa rangu chokunwa chaicho. Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari. Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichirarama nababa; saizvozvo anondidya, achararama neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya, akafa; anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Akareva zvinhu izvi musinagoge, achidzidzisa paKapenaume. Zvino vazhinji vavadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakati, “Iri shoko igukutu; ndianiko angarinzwa?” Asi Jesu, zvaakanga achiziva mumwoyo make kuti vadzidzi vake vanogun'un'una neshoko irero, akati kwavari, “Iri shoko rinokugumbusai kanhi? Muchagodiniko kana muchiona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga? Mweya ndiye anoraramisa, nyama haina maturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mweya noupenyu. Asi vamwe venyu variko vasingatendi;” nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga, kuti vaisatenda ndivanaani, uye kuti ndiani aizomupandukira. Akati, “Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakuna munhu angauya kwandiri, kana asina kuzvipiwa nababa.” Ipapo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye. Jesu akati kuna vane gumi navaviri, “Nemi munoda kubvawo here?” Simoni Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi. “Isu takatenda, tikaziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” Jesu akapindura, akati, “Handina kukutsanangurai, imi muri gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndowaDhiabhori.” Akareva Judhasi, mwanakomana waSimoni Isikarioti, nokuti ndiye aizomupandukira, aiva mumwe wavane gumi navaviri.
Johani 6:45-71 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’ Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri anotenda anoupenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.” VaJudha vakaitirana nharo pachavo vachiti, “Munhu uyu angatipe sei nyama yake kuti tidye?” Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu kudya chaiko uye ropa rangu kunwa chaiko. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri neniwo maari. Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu uye kuti ndinoraramiswa naBaba ndizvozvowo zvinoita vanondidya vachararamiswa neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chisina kufanana nechakadyiwa, namadzitateguru enyu vakafa. Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu. Vamwe vadzidzi vake vazhinji pavakazvinzwa vakati, “Zviri kutaurwa izvi zvakaoma, ndiani angateerera zvakadai.” Asi Jesu paakazviziva nechomumwoyo kuti vadzidzi vake vari kunyunyuta nazvo, akati kwavari, “Zvakugumburai here izvi? Ko maiita sei dai kuri kuti munotoona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva kare. “Mweya ndiwo anopa upenyu; nyama haina maturo. Mazwi andataura kwamuri, mweya noupenyu. “Asi pane vamwe venyu vasingadaviri. Chaimupa kudaro ndechokuti Jesu aiziva kubvira pokutanga kuti ndavanani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.” Akatizve ndokusaka ndakutaurirai kuti, “Hapana angauye kwandiri kana asina kuzvipiwa naBaba.” Mushure maizvozvo vazhinji vavadzidzi vake vakamusiya vakasazofambazve naye. Jesu akati kune vanegumi navaviri vaya, “Kana imi mava kudawo kuenda here?” Simoni Pita akamupindura achiti, “Tenzi tingaende kuna aniko, imi ndimi muna mazwi oupenyu husingaperi. Takadavira uye tinoziva kuti imi ndimi Mutsvene waMwari.” Jesu akapindura achiti, “Ndakakusarudzai muri gumi navairi handiti? Asi mumwe wenyu ndiDhiabhori.” Aitaura nezvaJudhasi mwana waSimoni Isikarioti. Nokuti iyeyu, mumwe chaiye wavanegumi navaviri ndiye aizomutengesa.
Johani 6:45-71 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muʋaprofita makanyorwa, mucinzi: Ʋacadzidziswa ʋose naMŋari. Mumŋe nomumŋe wakaɀinzwa kunaƂaɓa, akadzidza, unoʋuya kwandiri. Handireʋi kuti kunomunhu wakaʋona Ƃaɓa; asi uyo unobva kunaMŋari, ndiye wakaʋona Ƃaɓa. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda, unoʋupenyu bgusiŋgaperi. Ndini ciŋgwa coʋupenyu. Madziɓaɓa enyu akadya mana murenje, akafa. Ici ndico ciŋgwa, cinoɓuruka kuɗeŋga, kuti munhu acidye, arege kufa. Ndini ciŋgwa cipenyu, cakaɓuruka kuɗeŋga; kana munhu acidya ciŋgwa ici, ucararama nokusiŋgaperi; ciŋgwa candicapa, inyama yaŋgu, bguʋe ʋupenyu bgenyika. Ɀino ʋaJuda ʋakakakaʋara pakati paʋo, ʋaciti: Munhu uyu uŋgatipa seiko nyama yake, tidye? Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana musiŋgadyi nyama yoMŋanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamunoʋupenyu mamuri. Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; ini ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Nokuti nyama yaŋgu ndiɀo ɀokudya ɀaɀokwaɗi, neropa raŋgu ɀokunwa ɀaɀokwaɗi. Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unogara mandiri, neni maari. Ƃaɓa ʋapenyu, seɀaʋakandituma, neni ndicirarama naƂaɓa; saiɀoɀo unondidya, ucararama neni. Ici ndico ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga; haɀina‐kuita samadziɓaɓa akadya, akafa; unodya ciŋgwa ici ucararama nokusiŋgaperi. Wakareʋa ɀinhu iɀi musinagoge, acidzidzisa paKapernaume. Ɀino ʋazhinji ʋaʋadzidzi ʋake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Iri shoko igukutu; ndianiko uŋgarinzwa? Asi Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa mumŋoyo make kuti ʋadzidzi ʋake ʋanoŋuŋuna neshoko irero, akati kwaʋari: Iri shoko rinokugumbusai kanhi? Mucagoɗiniko kana muciʋona Mŋanakomana womunhu acikwira kwaaiʋa pakutaŋga? Mŋeya ndiye unoraramisa, nyama hainamaturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mŋeya noʋupenyu. Asi ʋamŋe ʋenyu ʋari’ko ʋasiŋgatendi; nokuti Jesu wakaŋga aciziʋa kubva pakutaŋga, kuti ʋaisatenda ndiʋanani, ʋuye kuti ndiani waizomupandukira. Akati: Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana asina‐kuɀipiwa naƂaɓa. Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋazhinji ʋakadzokera shure, ʋakasazofamba naye. Jesu akati kunaʋanegumi naʋaʋiri: Nemi munoɗa kubva ʋo here? Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, ticagoenda kunaniko? Ndimi munamashoko oʋupenyu bgusiŋgaperi. Isu takatenda, tikaziʋa kuti ndimi Mutȿene waMŋari. Jesu akapindura, akati: Handina‐kukusanaŋgurai, imi ʋanegumi naʋaʋiri here? Asi mumŋe wenyu ndowaDiaborosi. Wakareʋa Judasi, mŋanakomana waSimoni Iskarioti, nokuti ndiye waizomupandukira, waiʋa mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri.