Ramangwana racho, vanhu vaya vakasara kumhiri kwegungwa, vakazviona kuti pakanga pane igwa rimwechete chete ipapo. Uye kuti Jesu haana kunge apinda muigwa iroro pamwechete navadzidzi vake asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. Asi pane magwa akabva kuTibheriasi akasvikawo pedyo nenzvimbo yavakadya chingwa chiya mushure mokunge Tenzi ambotenda. Zvino vanhu pavakaona kuti Jesu akanga asipo pamwechete navadzidzi vake, ivo pachavo vakapinda mumagwa aye vakaenda kuKapenaumu kundotsvaka Jesu. Pavakamuwana kumhiri kuya kweGungwa, vakati kwaari, “Rabhi makauya kuno riniko?” Jesu akavapindura achiti, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri hamusi kunditsvaka nokuti makaona zviratidzo asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musashandire chokudya chinopera asi chokudya chinogara kusvikira kuupenyu husingaperi chamunopiwa noMwanakomana womunhu, nokuti Mwari Baba vakaisa rupawo rwavo paari.” Ivo ndokuti kwaari, “Chii chatingaite kuti tishande mabasa aMwari?” Jesu akavapindura achiti, “Basa raMwari nderiri rokuti: Imi munofanira kutenda muna iye waakatuma.” Saka vakati kwaari, “Ko zvino iwe chiratidzoi chaungaite kuti tione tigotenda mauri; chii chaungaite? Madzibaba edu vakadya mana murenje sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.” Jesu akati kwavari: “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, haasi Mosesi akakupai chingwa chinobva kudenga. Baba vangu ndivo vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndechiya chinobva kudenga uye chinopa upenyu kunyika.” Vakati kwaari, “Tenzi tipei chingwa ichocho nguva dzose.” Jesu akati kwavari, “Ini ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri haaiti nzara uye anotenda mandiri haambofa akanzwa nyota. Asi imi, sezvandambokuudzai munondiona zvenyu asi hamutendi. Chose chandinopiwa naBaba chinouya kwandiri uye anenge auya kwandiri handimurasiri kunze. Nokuti ndakauya ndichibva kudenga kwete kuzoita kuda kwangu asi kuda kwewakandituma. Kuda kwewakandituma ndokuku kwokuti handifaniri kurasikirwa nechose zvacho chaanenge andipa asi kutochimutsa pazuva remhedziso. Uku ndiko kuda kwababa vangu kokuti wose anoona mwanakomana achitenda maari awane upenyu husingaperi uye ndichamumutsa nezuva remhedziso.” VaJudha vakabva vamunyunyutira nokuti akati, “Ndini chingwa chakabva kudenga.” Vakati, “Uyu handiye here Jesu Mwanakomana waJosefi watinoziva baba naamai vake. Zvino angagoti sei ndakaburuka kudenga.” Jesu akavapindura achiti, “Musanyunyute pakati penyu. “Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira.
Verenga chikamu Johani 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 6:22-44
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo