Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 6:22-44

Johani 6:22-44 SNA2002

Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakaona kuti pakanga pasina rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, uye kuti Jesu haana kupinda muigwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. (Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tibheriasi, akasvika pedyo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga). Zvino vanhu vazhinji vakati vaona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu. Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari, “Rabhi, mauya pano riniko?” Jesu akavapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.” Zvino vakati kwaari, “Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.” Zvino vakati kwaari, “Munoita chiratidzo chipiko, kuti tione, tikutendei? Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Akavapa chingwa chikabva kudenga, kuti vadye.’ ” Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndibaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.” Zvino vakati kwaari, “Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.” Jesu akati kwavari, “Ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri, haangatongovi nenzara, noanotenda kwandiri haangatongovi nenyota. Asi ndakakuudzai, kuti makandiona, asi hamutendi. “Zvose baba zvavanondipa zvichauya kwandiri; noanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze. Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma. Kuda kwoakandituma ndiko, kuti pazvose zvaakandipa, ndirege kurasikirwa nomumwechete waakanditurira, asi kuti ndivamutse nezuva rokupedzisira. Nokuti kuda kwababa vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, anotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu husingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.” Zvino vaJudha vakagun'un'una pamusoro pake, nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kudenga.” Vakati, “Uyu haasi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino angagoti seiko, ndakaburuka kudenga?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Musagun'un'una pakati penyu. “Hakuna munhu angauya kwandiri, kana baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.

Verenga chikamu Johani 6