Mushure maizvozvo Jesu akaenda kumhiri kwegungwa reGarirea kana kuti gungwa reTibheriasi. Gurumwandira ravanhu rakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakaita pavarwere. Jesu akakwira mugomo ndokugara pasi navadzidzi vake. Izvozvo mazuva makuru avaJudha ePasika akanga ava pedyo. Jesu paakasimudza musoro akaona manyoramanyore avanhu achiuya kwaari. Akati kuna Firipi, “Tichatenga kupi chingwa chokuti vanhu ava vadye.” Izvi akataura kuri kumuedza zvake. Nokuti iye aiziva zvaaizoita. Firipi akamupindura achiti, “Mazana maviri emari yemadhenari haigoni kutenga chingwa chinokwana kuti mumwe nomumwe awane kachidimbu.”
Verenga chikamu Johani 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 6:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo