Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 6:1-7

Johani 6:1-7 SNA2002

Shure kwaizvozvo Jesu akaenda mhiri kwegungwa reGariria, ndiro reTibheriasi. Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvaaiita kuvarwere. Jesu akakwira mugomo, akagaramo navadzidzi vake. Pasika, mutambo wavaJudha, wakanga uri pedyo. Zvino Jesu akati achitarira, akaona vanhu vazhinji-zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?” Akareva izvozvo kuti amuedze, nokuti iye akaziva amene zvaakanga achida kuita. Firipi akamupindura, achiti, “Zvingwa zvamadhenari ana mazana maviri hazvingavaringani, kuti mumwe nomumwe atore zvishoma.”

Verenga chikamu Johani 6