Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:7-42

Johani 4:7-42 SCLB

Pakauya mumwe mukadzi wechiSamaria? Ipapo kuzoteka mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa.” Izvozvo vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga chokudya. Mukadzi uya wechiSamaria akati kwaari, “Zvauya sei kuti imi muJudha mukumbire mvura yokunwa kuneni mukadzi wechiSamaria.” Aidaro nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria. Jesu akamupindura achiti: “Dai wanga uchiziva kuti Mwari ari kuda kukupei uye kuti ndiani ari kukuti ndipewo mvura yokunwa, ungatodai uriwe wamukumbira iye achikupa mvura mhenyu.” Mukadzi uya akati kwaari, “Changamire inga hamuna chokuchera nacho wani uye tsime rakadzika iyo mvura mhenyu yacho munoiwanepi? Muri mukuru here pana Baba vedu Jakobho akatipa tsimwe iri naivoo pachavo vakanwa mariri navana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akati kwaari, “Munhu anonwa mvura iyi achava nenyotazve. Asi munhu wose anonwa mvura yandinomupa, haambofa akaita nyotazve, mvura yandichamupa ichava chisipiti chemvura maari inoramba ichibvinina kusvikira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Changamire ndipeiwo zvangu mvura iyoyo, kuti ndirege kuva nenyota zvakare kana kuzouya kuno kuzoteka mvura.” Jesu akamuti, “Enda undodana murume wako uuye kuno.” Mukadzi akamupindura achiti, “Handina murume ini.” Jesu akati kwaari, “Wataura zvakanaka kuti, ‘Handina murume,’ nokuti wakamboita varume vashanu uye wauinaye zvino haasi murume wako. Apo wataura chokwadi. Mukadzi ndokuti kwaari, ‘Changamire ndaona kuti muri muporofita.’ Madzitateguru edu akanamata pagomo rino iri asi imi munoti: ‘MuJerusaremu ndimo munzvimbo munofanira kunamatirwa vanhu vari.’ ” Jesu akati kwaari, “Mukadzi iwe tenda zvandiri kutaura, nguva iri kuuya yamusingazonamati Baba mugomo rino iri kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi. Asi isu tinonamata chatinoziva nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva iri kuuya uye yatosvika ichanamatwa Baba navanamati vechokwadi vanomunamata muMweya nomuchokwadi nokuti Baba vanotsvaka vakadai kuti vavanamate. Mwari mweya; saizvozvo, vanomunamata vanofanira kumunamata muMweya nomuchokwadi.” Mukadzi uya akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesia ari kuuya iye anonzi Kristu. Kana auya achatiratidza zvinhu zvose.” Jesu akati kwaari, “Iyeni ndiri kutaura kwauri ndini iye.” Ipapo ndipo pakabva pauya vadzidzi vake. Vakashamiswa kuti aitaura nomunhukadzi. Asi hapana akati, “Munodei kwaari?” Kana kuti, “Munotaurirei naye?” Naizvozvo mukadzi uya akasiya chirongo chake akaenda muguta akati kuvanhu, “Uyai muone munhu anditaurira zvose zvandakaita. Angave iye Kristu here?” Vanhu vakabuda muguta vachienda kwaari. Izvozvo vadzidzi vake vakanga vachimunyengetedza vachiti, “Rabhi chimbodyai.” Asi iye akavati, “Ndine chokudya chamusingazivi.” Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti, “Pane amuunzira chokudya here?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu kuita zvinodiwa naiye akandituma uye kupedza basa rake. Handiti munoti, ‘Kwasara mwedzi mina kukohwa kwobva kwauya?’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Simudzai musoro muone kuti minda yatsvuka, yoda kukohwiwa. Mukohwi ava kuwana mubayiro wake uchaunganidza muchero wokuupenyu husingaperi zvokuti mudyari nomukohwi vafare pamwechete.’ Pano apa tsumo iya inotaura chokwadi inoti, ‘Mumwe mudyari, mumwe mukohwi.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kushandira; vamwe ndivo vakashanda; imi mukapinda mumubayiro webasa ravamwe.” VaSamaria vazhinji vaibva muguta iroro vakatenda maari pamusana pouchapupu hwomudzimai uya akati “Wanditaurira zvose zvandakaita.” Naizvozvo vaSamaria pavakauya kwaari vakamukumbira kuti ambogara navo. Akagaramo kwamazuva maviri. Vamwe vazhinjiwo vakatenda nokuda kwamazwi ake. Vakati kumudzimai uya, “Zvino hatitendi pamusana pamazwi ako nokuti isu tazvinzwira toga. Tavakuziva kuti zvechokwadi uyu ndiye Muponesi wapasi pose.”

Verenga chikamu Johani 4