Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:7-42

Johani 4:7-42 SNA2002

Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipeiwo, ndinwe.” Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri, ndipeiwo ndinwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko? Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakanwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Mumwe nomumwe, anonwa mvura iyi, achava nenyotazve. Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuuya kuchera pano.” Jesu akati kwaari, “Enda, undodana murume wako, ugouya pano.” Mukadzi akapindura, akati kwaari, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka, zvawati, ‘Handina murume.’ “Nokuti watova navarume vashanu; uyo waunaye zvino, haasi murume wako; apo wareva chokwadi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndinoona kuti muri muporofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusaremu ndimo munofanira kunamatwa.” Jesu akati kwaari, “Mai, nditende kuti nguva inouya, yamusingazonamati baba pagomo iri, kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata baba mumweya nechokwadi; nokuti baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata. “Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nechokwadi.” Zvino mukadzi akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesiasi anouya, anonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvose.” Jesu akati kwaari, “Ini, ndinotaura newe, ndini iye.” Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachiona kuti anotaurirana nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuna mumwe akati, “Munotsvakeiko kwaari?” Kana, “Munotaurireiko naye?” Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu, “Uyai muone munhu, akandiudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?” Vakabuda muguta, vakaenda kwaari. Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti, “Rabhi, chidyai.” Iye akati kwavari, “Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi.” Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti, “Kasi mumwe amuvigira zvokudya kanhi?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwoakandituma, nokupedza basa rake. Ko imi hamuti, ‘Kwasara mwedzi mina, kukohwa kwasvika?’ Tarirai, ini ndinoti kwamuri, simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatochena kuti ikohwiwe. Anocheka anopiwa mubayiro, anounganidza mbesanwa muupenyu husingaperi; kuti anokusha naanocheka vafare vose. Nokuti tsumo ndeyechokwadi, inoti, ‘Mumwe anokusha, mumwe achikohwa.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kubindukira; vamwe vakabindukira, zvino imi mapinda pane zvavakabindukira ivo.” Zvino vaSamaria vazhinji veguta iro vakatenda kwaari neshoko romukadzi, akapupura, achiti, “Andiudza zvose zvandakaita.” Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri. Navamwe vazhinji vakatenda neshoko rake. Vakati kumukadzi, “Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uye ndiye Muponesi wapasi pose.”

Verenga chikamu Johani 4