Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:31-38

Johani 4:31-38 SCLB

Izvozvo vadzidzi vake vakanga vachimunyengetedza vachiti, “Rabhi chimbodyai.” Asi iye akavati, “Ndine chokudya chamusingazivi.” Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti, “Pane amuunzira chokudya here?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu kuita zvinodiwa naiye akandituma uye kupedza basa rake. Handiti munoti, ‘Kwasara mwedzi mina kukohwa kwobva kwauya?’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Simudzai musoro muone kuti minda yatsvuka, yoda kukohwiwa. Mukohwi ava kuwana mubayiro wake uchaunganidza muchero wokuupenyu husingaperi zvokuti mudyari nomukohwi vafare pamwechete.’ Pano apa tsumo iya inotaura chokwadi inoti, ‘Mumwe mudyari, mumwe mukohwi.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kushandira; vamwe ndivo vakashanda; imi mukapinda mumubayiro webasa ravamwe.”

Verenga chikamu Johani 4