Johani 4:31-38
Johani 4:31-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.” Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.” Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake. Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe. Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete. Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’ Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.”
Johani 4:31-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti, “Rabhi, chidyai.” Iye akati kwavari, “Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi.” Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti, “Kasi mumwe amuvigira zvokudya kanhi?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwoakandituma, nokupedza basa rake. Ko imi hamuti, ‘Kwasara mwedzi mina, kukohwa kwasvika?’ Tarirai, ini ndinoti kwamuri, simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatochena kuti ikohwiwe. Anocheka anopiwa mubayiro, anounganidza mbesanwa muupenyu husingaperi; kuti anokusha naanocheka vafare vose. Nokuti tsumo ndeyechokwadi, inoti, ‘Mumwe anokusha, mumwe achikohwa.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kubindukira; vamwe vakabindukira, zvino imi mapinda pane zvavakabindukira ivo.”
Johani 4:31-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvozvo vadzidzi vake vakanga vachimunyengetedza vachiti, “Rabhi chimbodyai.” Asi iye akavati, “Ndine chokudya chamusingazivi.” Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti, “Pane amuunzira chokudya here?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu kuita zvinodiwa naiye akandituma uye kupedza basa rake. Handiti munoti, ‘Kwasara mwedzi mina kukohwa kwobva kwauya?’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Simudzai musoro muone kuti minda yatsvuka, yoda kukohwiwa. Mukohwi ava kuwana mubayiro wake uchaunganidza muchero wokuupenyu husingaperi zvokuti mudyari nomukohwi vafare pamwechete.’ Pano apa tsumo iya inotaura chokwadi inoti, ‘Mumwe mudyari, mumwe mukohwi.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kushandira; vamwe ndivo vakashanda; imi mukapinda mumubayiro webasa ravamwe.”
Johani 4:31-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo ʋadzidzi ʋake ʋakafano‐munyeŋgetera, ʋaciti: Rabi, cidyai. Iye akati kwaʋari: Ini ndineɀokudya, ɀandinodya, ɀamusiŋgaziʋi. Ɀino ʋadzidzi ʋakataurirana, ʋaciti: Kasi mumŋe wamuʋigira ɀokudya kanhi? Jesu akati kwaʋari: Ɀokudya ɀaŋgu ndiɀo, kuti ndiite kuɗa kwowakandituma, nokupedza ɓasa rake. Ko imi hamuti: Kwasara mŋedzi minna, kuceka kwaȿika? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, ʋonai minda, kuti yatoibvira kuceka. Unoceka unopiwa muɓairo, unoʋuŋganidza ɀiɓereko muʋupenyu bgusiŋgaperi; kuti unokusha nounoceka ʋafare ʋose. Nokuti shumo ndeyaɀokwaɗi, inoti: Mumŋe unokusha, mumŋe aciceka. Ndakakutumai kundoceka ɀamusakaɓatira; ʋamŋe ʋakaɓata, ɀino imi mapinda paneɀaʋakaɓatira iʋo.
Johani 4:31-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)