Vanhu vakabuda muguta vachienda kwaari. Izvozvo vadzidzi vake vakanga vachimunyengetedza vachiti, “Rabhi chimbodyai.” Asi iye akavati, “Ndine chokudya chamusingazivi.” Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti, “Pane amuunzira chokudya here?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu kuita zvinodiwa naiye akandituma uye kupedza basa rake. Handiti munoti, ‘Kwasara mwedzi mina kukohwa kwobva kwauya?’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Simudzai musoro muone kuti minda yatsvuka, yoda kukohwiwa. Mukohwi ava kuwana mubayiro wake uchaunganidza muchero wokuupenyu husingaperi zvokuti mudyari nomukohwi vafare pamwechete.’ Pano apa tsumo iya inotaura chokwadi inoti, ‘Mumwe mudyari, mumwe mukohwi.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kushandira; vamwe ndivo vakashanda; imi mukapinda mumubayiro webasa ravamwe.” VaSamaria vazhinji vaibva muguta iroro vakatenda maari pamusana pouchapupu hwomudzimai uya akati “Wanditaurira zvose zvandakaita.” Naizvozvo vaSamaria pavakauya kwaari vakamukumbira kuti ambogara navo. Akagaramo kwamazuva maviri. Vamwe vazhinjiwo vakatenda nokuda kwamazwi ake. Vakati kumudzimai uya, “Zvino hatitendi pamusana pamazwi ako nokuti isu tazvinzwira toga. Tavakuziva kuti zvechokwadi uyu ndiye Muponesi wapasi pose.” Mushure memazuva maviri aya akaenda kuGarirea. Iye Jesu pachake akanga ambopupurawo kuti, “Muporofita haaremekedzwi munyika make.” Paakasvika kuGarirea, vaGarirea vakamugamuchira nokuti vakanga vaona zvose zvaakaita kuJerusaremu pamazuva makuru nokuti naivowo vakanga vaenda kumazuva makuru iwayo. Akaendazve kuKana yokuGarirea kwaakanga asandura mvura ikava waini. KuKapenaumu kwaiva negurukota rairwarirwa nomwana mukomana. Murume uyu paakanzwa kuti Jesu akanga auya kuGarirea achibva kuJudhea akaenda akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake nokuti akanga avapedyo nokufa. Saizvozvo akati kwaari, “Kana musina kuona zviratidzo nezvishamiso hamutendi.” Gurukota riya rakati kwaari, “Changamire uyai mwana wangu asati afa.” Jesu akati, “Chiendai zvenyu mwana wenyu achararama.” Murume uya akadavira zvaakaudzwa naJesu akabva aenda. Paakanga avakudzika vashandi vake vakasangana naye vakamuudza kuti, “Mwana wake akanga ararama.” Naizvozvo akabvunza nguva yaakatangisa kuita zvakanaka. Vakati kwaari, “Denda rakamusiya nezuro panguva dzahwani masikati.” Baba ava vakabva vazviziva kuti ndiyo nguva iya Jesu yaakataura kuti Mwana wenyu achararama. Naizvozvo iye pamwechete nevemhuri yake yose, akatenda. Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu paakabva kuJudhea achiuya kuGarirea.
Verenga chikamu Johani 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 4:30-54
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo