Vakabuda muguta, vakaenda kwaari. Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti, “Rabhi, chidyai.”
Iye akati kwavari, “Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi.”
Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti, “Kasi mumwe amuvigira zvokudya kanhi?”
Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwoakandituma, nokupedza basa rake. Ko imi hamuti, ‘Kwasara mwedzi mina, kukohwa kwasvika?’ Tarirai, ini ndinoti kwamuri, simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatochena kuti ikohwiwe. Anocheka anopiwa mubayiro, anounganidza mbesanwa muupenyu husingaperi; kuti anokusha naanocheka vafare vose. Nokuti tsumo ndeyechokwadi, inoti, ‘Mumwe anokusha, mumwe achikohwa.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kubindukira; vamwe vakabindukira, zvino imi mapinda pane zvavakabindukira ivo.”
Zvino vaSamaria vazhinji veguta iro vakatenda kwaari neshoko romukadzi, akapupura, achiti, “Andiudza zvose zvandakaita.”
Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri.
Navamwe vazhinji vakatenda neshoko rake. Vakati kumukadzi, “Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uye ndiye Muponesi wapasi pose.”
Mazuva maviri akati apfuura, akabvapo; akaenda Gariria. Nokuti Jesu amene akapupura, kuti muporofita haakudzwi munyika yake. Zvino akati achisvika Gariria, vaGariria vakamugamuchira, nokuti vakanga vaona zvose zvaakaita Jerusaremu pamutambo wePasika, nokuti naivo vakanga vaendawo kumutambo wePasika.
Zvino Jesu akasvikazve paKana yeGariria, paakanga ashandura mvura ikaita waini. Ipapo pakanga panorimwe gurukota raishe, mwanakomana wake akanga achirwara paKapenaume.
Iye akati achinzwa kuti Jesu abva Judhea, asvika Gariria, akaenda kwaari, akamunyengetera kuti aburuke kundoporesa mwanakomana wake; nokuti akanga achitandadza. Zvino Jesu akati kwaari, “Kana musingaoni zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.”
Gurukota raishe rakati kwaari, “Ishe, burukai henyu, mwana wangu asati afa.”
Jesu akati kwaari, “Enda hako, mwanakomana wako mupenyu.” Munhu uyu akatenda shoko rakarehwa naJesu kwaari, akaenda. Akati achaburuka, varanda vake vakasangana naye, vakati, “Mwana wenyu mupenyu.”
Zvino akavabvunza nguva yaakatanga kunaya nayo. Vakati kwaari, “Zuro nenguva yechinomwe fivha yakabva kwaari.” Zvino baba vakaziva kuti ndiyo nguva Jesu yaakati kwaari, “Mwanakomana wako mupenyu.” Iye akatenda nemhuri yake yose.
Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva Judhea, asvika Gariria.