Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 20:11-31

Johani 20:11-31 SCLB

Asi Maria akamira kunze pedyo neguva achichema. Paaichema kudaro akakotama achitarisa muguva. Akaona vatumwa vaviri vakapfeka zvichena vakagara pakanga pakaradzikwa Jesu. Mumwe ari kumusoro mumwe ari kumakumbo, vakamuti, “Nhai, mudzimai iwe uri kuchemeiko?” Iye akavati, “Nokuti vatora Tenzi wangu uye handizivi kwavamuisa.” Achingoti taurei izvi akatendeuka ndokuona Jesu akamira asi haana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwaari, “Mudzimai iwe uri kuchemeiko, uri kutsvaga ani?” Zvaakafunga kuti murimi akati kwaari, “Changamire, kana murimi mamubvisa nditaurirei kwamandomuradzika ndindomutora.” Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akabva atendeuka akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni” zvinoreva kuti, “Mudzidzisi.” Jesu akati kwaari, “Usandibate nokuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undoti kwavari ndiri kuenda kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.” Maria Magadharena akaenda kuvadzidzi akavaparidza kuti, “Ndaona Tenzi uye ataura izvi kwandiri.” Manheru ezuva rakarero, zuva rokutanga revhiki Jesu akauya mumba maiva navadzidzi; izvozvo makonhi amavakanga vari akanga akaiswa zvihuri pamusana pokutya vaJudha. Akasvikomira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.” Paakataura izvi akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakabva vafara pavakaona Tenzi. Jesu akavatizve, “Rugare ngaruve nemi! Sokundituma kwakaita Baba neni ndinokutumaiwo saizvozvo.” Paakapedza kutaura izvi, akafemera pavari akati kwavari, “Gamuchirai Mweya Mutsvene. Kana mukaregerera vanhu zvitadzo zvavo, zvinobva zvaregererwa. Kana mukaramba kuvaregerera havaregererwi.” Tomasi mumwe wavanegumi navaviri ainzi Mapatya, akanga asinavo pakauya Jesu. Ipapo vamwe vadzidzi vakamutaurira kuti, “Taona Tenzi.” Asi iye akavati, “Kana ndisina kutoona mavanga ezvipikiri mumaoko ake ndikapinza munwe wangu mumavanga iwayo ndikapinzawo chanza changu parutivi pake handitendi.” Mushure memazuva masere vadzidzi vake vakanga vari mumba muyazve uye Tomasi akanga ainavo. Makonhi akanga akapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.” Akabva ati kuna Tomasi, “Uya upinze munwe wako umu uone maoko angu. Tambanudza ruoko rwako upinze parutivi pangu. Usave munhu asingatendi asi anotenda.” Tomasi akamupindura achiti, “Ndimi Tenzi wangu naMwari wangu.” Jesu akati kwaari, “Watenda nokuti wandiona nhai? Vakakomborerwa zvavo vanotenda ivo vasina kundiona.” Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji vadzidzi vake vachiona zvisina kunyorwa mubhuku rino iri. Izvi zvakanyorwa kuti mudavire kuti Jesu ndiye Mesia Mwanakomana waMwari uyewo kuti nokutenda ikoko muve noupenyu muzita rake.

Verenga chikamu Johani 20