Asi Maria akaramba amire kunze kwebwiro, achichema; zvino achichema, akakotama, akadongorera mubwiro.
Akaona vatumwa vaviri, vane nguo chena, vagere mumwe kumusoro, mumwe kumakumbo, ipapo pakanga paiswa chitunha chaJesu. Ivo vakati kwaari, “Mai, munochemeiko?” Akati kwavari, “Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.”
Zvino akati achireva izvozvo, akatendeukira shure, akaona Jesu amire; asi haana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwaari, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari, “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei pamamuisa, ndindomutora.”
Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akatendeuka, akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni;” ndokuti, “Mudzidzisi.”
Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna baba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari, ndinokwira kuna baba vangu nababa venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
Maria Magadharina akaenda, akaudza vadzidzi, achiti, “Ndaona Ishe,” uye kuti akanga audzwa zvinhu izvi naye.
Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, misuo yapfigwa pavakanga vari vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari, “Rugare kwamuri!”
Zvino akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake norutivi rwake. Vadzidzi vakafara vachiona Ishe.
Jesu akatizve kwavari, “Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumaiwo.” Zvino akati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari, “Gamuchirai Mweya Mutsvene. Avo, vanoregerera zvivi zvavo, varegererwa; avo, vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa.”
Zvino Tomasi, ainzi Dhidhimo, mumwe wavane gumi navaviri, akanga asipo, pakuuya kwaJesu.
Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari, “Taona Ishe.” Iye akati kwavari, “Kana ndikasaona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.”
Zvino mazuva masere akati apfuurazve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akauya, misuo yapfigwa, akamira pakati pavo, akati, “Rugare kwamuri!” Ipapo akati kuna Tomasi, “Uya pano nomunwe wako, uone zvanza zvangu; uya noruoko rwako, uruise murutivi rwangu; usava usingatendi, asi unotenda.” Tomasi akapindura, akati kwaari, “Ishe wangu, naMwari wangu!”
Jesu akati kwaari, “Watenda, nokuti wandiona? Vacharopafadzwa vanotenda, kunyange vasina kuona.”
Zvino Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi; asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari; uye kuti, muchitenda, muve noupenyu muzita rake.