Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 20:1-18

Johani 20:1-18 SCLB

Pazuva rokutanga revhiki Maria Magadharena akafumouya kuguva kuchakasviba. Akaona kuti dombo rakanga rabviswa paguva. Ipapo akamhanyira kuna Pita nomumwe mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kwavari, “Vabvisa Tenzi muguva zvino hatizivi kwavamuisa.” Pita akabuda pamwechete nomumwe mudzidzi uya vakaenda kuguva kuya. Vakamhanya vose. Mumwe mudzidzi uya akamhanya zvokusiya Pita akandotanga kusvika kuguva. Asi akakotama achidongorera akaona machira erineni ari pakadaro asi iye haana kupindamo. Simoni Pita akazouyawo achimutevera akapinda muguva. Akaonawo machira aya ari pakadaro apo. Nejira duku raiva kumusoro wake rakanga risiri pano mamwe machira asi rakanga rakapetwa riri paro roga. Mumwe mudzidzi uya akatanga kusvika paguva, akapindawo akaona akatenda. Kusvikira ipapo vakanga vasati vanzwisisa Magwaro Matsvene anoti, “Anofanira kumuka kuvakafa.” Vadzidzi vakadzokera kumisha yavo. Asi Maria akamira kunze pedyo neguva achichema. Paaichema kudaro akakotama achitarisa muguva. Akaona vatumwa vaviri vakapfeka zvichena vakagara pakanga pakaradzikwa Jesu. Mumwe ari kumusoro mumwe ari kumakumbo, vakamuti, “Nhai, mudzimai iwe uri kuchemeiko?” Iye akavati, “Nokuti vatora Tenzi wangu uye handizivi kwavamuisa.” Achingoti taurei izvi akatendeuka ndokuona Jesu akamira asi haana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwaari, “Mudzimai iwe uri kuchemeiko, uri kutsvaga ani?” Zvaakafunga kuti murimi akati kwaari, “Changamire, kana murimi mamubvisa nditaurirei kwamandomuradzika ndindomutora.” Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akabva atendeuka akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni” zvinoreva kuti, “Mudzidzisi.” Jesu akati kwaari, “Usandibate nokuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undoti kwavari ndiri kuenda kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.” Maria Magadharena akaenda kuvadzidzi akavaparidza kuti, “Ndaona Tenzi uye ataura izvi kwandiri.”

Verenga chikamu Johani 20