Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 20:1-18

Johani 20:1-18 SNA2002

Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadharina akaenda kubwiro mangwanani kuchakasviba; akaona ibwe rabviswa pabwiro. Akamhanya, akaenda kuna Simoni Petirosi nokuno mumwe mudzidzi, aidikanwa naJesu, akati kwavari, “Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuisa.” Zvino Petirosi akabuda nouya mumwe mudzidzi, vakaenda kubwiro. Vakamhanya vose vari vaviri; uya mumwe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petirosi, akatanga kusvika pabwiro, akakotama achidongorera, akaona micheka iri pasi, asi haana kupinda. Zvino Simoni Petirosi akasvikawo, akapinda mubwiro, akaona micheka iri pasi; nomucheka muduku, wakanga uri mumusoro wake, usati uri kune mimwe micheka, asi wakapetwa uri pamwe woga. Zvino uye mumwe mudzidzi akapindawo, iye akatanga kusvika pabwiro, akaona, akatenda. Nokuti vakanga vachigere kunzwisisa Rugwaro, runoti anofanira kumuka kuvakafa. Zvino vadzidzi vakadzokerazve kumusha kwavo. Asi Maria akaramba amire kunze kwebwiro, achichema; zvino achichema, akakotama, akadongorera mubwiro. Akaona vatumwa vaviri, vane nguo chena, vagere mumwe kumusoro, mumwe kumakumbo, ipapo pakanga paiswa chitunha chaJesu. Ivo vakati kwaari, “Mai, munochemeiko?” Akati kwavari, “Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.” Zvino akati achireva izvozvo, akatendeukira shure, akaona Jesu amire; asi haana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwaari, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari, “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei pamamuisa, ndindomutora.” Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akatendeuka, akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni;” ndokuti, “Mudzidzisi.” Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna baba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari, ndinokwira kuna baba vangu nababa venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.” Maria Magadharina akaenda, akaudza vadzidzi, achiti, “Ndaona Ishe,” uye kuti akanga audzwa zvinhu izvi naye.

Verenga chikamu Johani 20