Pazuva retatu kwakava nomuchato kuKana yokuGarirea. Amai vaJesu vakanga variko. Jesu akakokwawo kumuchato iwoyo pamwechete navadzidzi vake. Waini payakapera, amai vaJesu vakati kwaari, “Vanhu vapererwa newaini.” Jesu akati kwavari, “Nhai amai, ko isu tinei nazvo, nguva yangu haisati yasvika.” Amai vake vakati kuvashandi, “Itai zvose zvaanenge akutaurirai.” Zvino ipapo pakanga paina mazigate matanhatu amabwe maererano netsika yavaJudha yokuzvichenura. Rimwe nerimwe rawo raiita marita makumi manomwe anamashanu kusvika kuzana ramarita rina marita gumi namashanu. Jesu akati kwavari, “Zadzai makate aya nemvura.” Ivo vakaazadza kuti tuba. Akazovati, “Zvino chicherai imwe muendese kuna samukuru womuchato.” Saizvozvo vakaenda nayo. Samukuru uya paakaravira, mvura iya yakanga yatova waini asi iye akanga asingazivi kwayakanga yabva. Asi Vashandi vaya vakanga vachera mvura ndivo vaizviziva. Samukuru womuchato akadaidza muwani akati kwaari, “Vanhu vose vanotanga vapa vanhu waini yakanaka. Kana vachinge vanyatsonwa zvavo ndokwakuzovapa isina kunaka asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira iye zvino.” Ichi ndicho chiratidzo chaJesu chokutanga chaakaita kuratidza mbiri yake. Achiita ari kuKana yokuGarirea. Mushure maizvozvi akadzika kuKapenaumu naamai vake navakomanavanun'una vake navadzidzi vake vakagarako kwamazuva mashoma.
Verenga chikamu Johani 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 2:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo