Nezuva retatu muchato waivapo paKana yeGariria; namai vaJesu vakanga varipo. NaJesu navadzidzi vake vakanga vadanwawo kumuchato. Waini yakati ichizoshayikwa, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachine waini.” Jesu akati kwavari, “Ndineiko nemi, mai? Nguva yangu ichigere kusvika.” Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.” Zvino kwakanga kuna makate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviero zviviri kana zvitatu. Jesu akati kwavari, “Zadzai makate nemvura.” Ivo vakaazadza kusvikira pamiromo. Akati kwavari, “Cherai zvino muise kumukuru womuchato.” Vakandoisa. Zvino mukuru womuchato wakati aravira mvura yakasanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womuchato akadana muwani, akati kwaari, “Munhu mumwe nomumwe anositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vanwa kwazvo; asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.” Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu akaita paKana yeGariria, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari. Shure kwaizvozvo akaburukira Kapenaume, iye namai vake navanun'una, navadzidzi vake; akagarapo mazuva mashomanane.
Verenga chikamu Johani 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 2:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo