Asi zvino ndavakuuya kwamuri ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri pasi pano kuti kufara kwangu kunyatsozara chaizvo mavari. Inini ndakavapa shoko renyu, pasi pakavavenga nokuti havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Handisi kunamatira kuti muvabvise pasi pano asi kuti muvadzivirire kune wakaipa uya. Havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Vaitei kuti vave vatsvene muchokwadi izwi renyu ichokwadi. Sokundituma kwamakaita pasi pano neniwo ndavakuvatuma kupasi pose. Nokuda kwavo ndinozvipira kuti ivo vazvipirewo kuchokwadi. “Handinamatire ava bedzi asi ndinonamatira avo vachatenda mandiri pamusana pezwi ravo. Kuti vose zvavo vave vamwechete sezvakangoita kuti imi Baba muri mandiri ini ndiri mamuri ivowo ngavave matiri kuti pasi padavire kuti imi ndimi makandituma. Mbiri yamakandipa ndakavapawo kuti vave vamwechete sesu tiri vamwechete. Ini ndiri mavari imi muri mandiri vanyatsova vamwechete, kuti pasi pazive kuti imi ndimi makandituma mukavada sokundida kwamakaita.
Verenga chikamu Johani 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 17:13-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo