Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 17:13-23

Johani 17:13-23 SNA2002

Asi zvino ndouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari. “Ini ndakavapa shoko renyu nyika ikavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisi wenyika. Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete panowakaipa. Havasi venyika, seni ndisi wenyika. “Muvaite vatsvene muchokwadi; shoko renyu ichokwadi. Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika. Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muchokwadi. “Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotendawo kwandiri neshoko ravo, kuti vose vave vamwe; semi baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma. “Neni ndakavapa kubwinya kwamakandipa; kuti vave vamwe, sesu tiri vamwe; ini mavari, nemi mandiri, vakwaniswe kuva vamwe; kuti nyika izive kuti makandituma, uye kuti makavada sezvamakandida ini.

Verenga chikamu Johani 17