Asi zvino ndouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari. “Ini ndakavapa shoko renyu nyika ikavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisi wenyika. Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete panowakaipa. Havasi venyika, seni ndisi wenyika. “Muvaite vatsvene muchokwadi; shoko renyu ichokwadi. Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika. Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muchokwadi. “Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotendawo kwandiri neshoko ravo, kuti vose vave vamwe; semi baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma. “Neni ndakavapa kubwinya kwamakandipa; kuti vave vamwe, sesu tiri vamwe; ini mavari, nemi mandiri, vakwaniswe kuva vamwe; kuti nyika izive kuti makandituma, uye kuti makavada sezvamakandida ini.
Verenga chikamu Johani 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 17:13-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo