Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 16:1-15

Johani 16:1-15 SCLB

“Ndataura zvose izvi kwamuri kuti murege kurasika. Vachakudzingai mumaSinagogu. Chokwadi, chokwadi nguva iri kuuya yokuti anokuurayai achafunga kuti ari kutoitira Mwari. Vachaita izvozvo nokuti havana kuziva Baba kana kuziva ini. Asi ndataura izvi kwamuri kuti kana nguva yazvo yosvika, muyeuke kuti ndakambokutaurirai nezvazvo. “Handina kunge ndichikutaurirai zvinhu izvi pakutanga nokuti ndanga ndiinemi. Asi zvino ndavakuenda kuna akandituma. Hapana mumwe wenyu ari kumbondibvunza kuti ko muri kuenda kupi? Asi pamusana pokuti ndataura izvi kwamuri masuruvara mwoyo zvikuru. Zvakadaro zvazvo, ndinokuudzai chokwadi, chokuti zvinotokubatsirai kuti ndiende nokuti ndikarega kuenda, Murevereri uya haazouya; asi ndikaenda ndichamutumira kwamuri. Paanouya achazivisa nyika kuti ine mhosva yechitadzo uye kuti ine mhosva pamafungiro ayo nezvoururami uyewo kuti ine mhosva panezvokutonga. Panezve chitadzo, nokuti havadaviri mandiri. Pane zvoururami, nokuti ini ndava kutoenda kuna Baba uye hamuzoramba muchindiona. “Pane zvokutonga, nokuti mutongi wapasi pano ava kutotongwa. “Ndine zvizhinji zvandingade kukutaurirai asi parizvino hamungakwanisani nazvo. Kana Mweya wechokwadi auya achakutungamirirai muchokwadi chose, nokuti anenge asingatauri zvomusoro wake. Zvaanenge anzwa ndizvo zvaanotaura; achakutaurirai zvinhu zvichauya. Achandiwanisa mukurumbira achitora zvandinotaura achizvitaura kwamuri. Zvose zvaBaba ndezvangu, ndokusaka ndati achatora zvandinenge ndataura achikutaurirai.

Verenga chikamu Johani 16

YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika