Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 16:1-15

Johani 16:1-15 SNA2002

“Zvinhu izvi ndakakuudzai, kuti murege kugumburwa. Vachakubudisai mumasinagoge; asi nguva inosvika, mumwe nomumwe wakakuurayai, achati anobatira Mwari basa. Zvinhu izvi vachaita, nokuti havana kuziva baba, kana ini. “Asi ndakakuudzai izvi, kuti kana nguva yazvo yasvika, mugozviyeuka, kuti ndakakuudzai. Handina kukuudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemi. Asi zvino ndinoenda kune akandituma; hakuna mumwe wenyu anondibvunza, achiti, ‘Munoendepiko?’ Asi zvino mwoyo yenyu yafa neshungu zvandakakuudzai izvi. Asi ini ndinokuudzai zvechokwadi, kana ndichiti, zviri nani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. “Iye kana asvika achazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa; pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri; pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kuna baba, hamungazondioni; pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atongwa kare. “Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino. “Asi kana asvika, iye Mweya wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, uye achakuparidzirai zvinouya. Achandikudza, nokuti achatora pane zvangu achikuparidzai izvo. Zvose baba zvavanazvo, ndezvangu; naizvozvo ndakati, achatora pane zvangu, achikuparidzai izvo.

Verenga chikamu Johani 16