Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 15:18-27

Johani 15:18-27 SCLB

“Kana pasi pachikuvengai, zivai kuti pakandivengawo pasati pakuvengai imi. Dai muri vapasi pano, pasi pangadai pachitokudai savanhu vapo. Asi pamusana pokuti hamusi vapasi pano, uye nokuti ndakakutsaurai kubva pasi pano, ndokusaka pasi pachikuvengai. Rangarirai izwi randakutaurirai rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake. Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo. Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu. Zvose izvozvi vachazviita kwamuri pamusana pangu nokuti akandituma havamuzivi. Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chitadzo; asi mhosva yechitadzo ichocho hapana pavachainzvenge napo. Anondivenga anovengawo Baba vangu. Dai ndisina kumboita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nani nani zvake, vangadai vasina chitadzo. Asi zvino vakaaona vakabva vatovenga ini pamwechete naBaba vangu. Izvi zvinozadzisa zvakanyorwa mumutemo wavo zvokuti, ‘Vakandivenga ini ndisina mhosva.’ Asi Mubatsiri kana auya, wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba iyeyo Mweya Wechokwadi anobva muna Baba; iye achandipupurira. Kana imiwo muri zvapupu nokuti makanga muineni kubvira pakutanga.”

Verenga chikamu Johani 15