Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 15:18-27

Johani 15:18-27 SNA2002

“Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi. Kana maiva venyika, nyika yaidana vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndakakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai. Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti, ‘Muranda haasi mukuru kuna ishe wake.’ Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengeta nerenyuwo. Asi izvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi akandituma. Dai ndisina kuuya, ndikataura navo, vangadai vasina zvivi; asi zvino havana pembedzo yezvivi zvavo. Anondivenga, anovenga nababa vanguo. “Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasina zvivi; asi zvino vakaona, nokundivenga ini nababa vangu. “Asi zvakaitwa, kuti shoko rakanyorwa mumurayiro wavo, riitike, rinoti, ‘Vakandivenga ndisina mhosva.’ “Kana Munyaradzi auya, wandichatuma kwamuri, achibva kuna baba, iye Mweya wechokwadi, anobuda kuna baba, achandipupurira. Nemiwo pupurai, nokuti maiva neni kubva pakutanga.

Verenga chikamu Johani 15