“Mwoyo yenyu ngairenge kutambudzika tendai muna Mwari mutendewo mandiri. Mumba maBaba vangu kune dzimba dzakawanda dai kwakanga kusina ndingadai ndakakuudzai. Ndiri kuendako kundokugadzirirai pokugara. Kana ndandokugadzirirai pokugara ndichauyazve ndozokutorai kuti kwandichange ndiri, imi muvekowo. Nzira yokwandinoenda munoiziva.” Tomasi akati kwaari, “Tenzi hatizivi kwamuri kuenda tingazive sei nzira yoko?” Jesu akamuti kwaari, “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri.
Verenga chikamu Johani 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 14:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo