“Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kuna Mwari, mutendewo kwandiri. Mumba mababa vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. “Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo. Napandinoendanapo, imi munoziva nzira.” Tomasi akati kwaari, “Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko?” Jesu akati kwaari, “Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna baba, asi nokwandiri.
Verenga chikamu Johani 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 14:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo