Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 12:1-19

Johani 12:1-19 SCLB

Mazuva matanhatu ePasika asati asvika Jesu akaenda kuBhetania kwaiva naRazaro waakanga amutsa muvafi. Vakamuitira mabiko ikoko Marita ndiye aivashandira. Razaro ainge ari mumwe wavaidya naye pateburu. Maria akatora hafu yerita yamafuta anokosha enadi chaiyoiyo akazora nawo tsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Imba yakazara nokunhuwirira kwamafuta iwayo. Asi Judhasi mumwe wavadzidzi vake, uya akanga achazomupandukira akati: “Mafuta aya aregerereiko kutengeswa nemari yesirivha yedhenariusi inoita mazana matatu yapihwa kuvarombo?” Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe. Jesu akati, “Muregei henyu, dai anga atoachengetera zvake zuva rokuvigwa kwangu. Varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.” Gungano guru ravaJudha parakanzwa kuti Jesu akanga ariko rakauya kwete pamusana paJesu chete asi kuzoonawo Razaro waakanga amutsa kuvafi. Naizvozvo vapristi vakuru vakarangana kuurayawo Razaro. Chikonzero chacho chiri chokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vavakubva vachinotenda muna Jesu. Zuva ramangwana racho gungano guru ravanhu rakanga rauya kuzuva guru rakanzwa kuti Jesu ari kuuya kuJerusaremu. Nokudaro vakakwanhura mapazi omurara vakaenda kundomugamuchira vachidaidzira vachiti, “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi ndiye mambo weIsiraeri.” Jesu akawona chigondora chedhongi akachitasva sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Usatye zvako iwe mukunda weZioni, tarisa uone mambo wako ari kuuya akatasva pachigondora chedhongi.” Pakutanga vadzidzi vake, izvi havana kuzvinzwisisa. Asi Jesu paakawana mukurumbira wake ndopavakayeuka kuti izvi zvakambenge zvakanyorwa nezvake uye kuti ndizvo zvakanga zvaitika kwaari. Chikwata chavanhu chakanga chinaye paakadaidza Razaro muguva akamumutsa muvafi, chakamupupurira. Chakaendera chikwata ichocho kundomuchingura, ndechokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichocho. VaFarisei vakataurirana kuti, “Chitarisaika muone. Hapana chamunombogona kuita. Onai nyika yotomutevera.”

Verenga chikamu Johani 12