Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 12:1-19

Johani 12:1-19 SNA2002

Zvino mazuva matanhatu Pasika ichigere kusvika, Jesu akasvika Bhetania, paiva naRazaro, wakadeya kumutswa naJesu kuvakafa. Vakamuitirapo chirariro; Marita akavashandira; naRazaro akanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya. Zvino Maria akatora paundi yamafuta enaridho, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta. Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Isikarioti akanga achazomupandukira, akati, “Mafuta awa akaregereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu, akapiwa varombo?” Asi haana kureva izvozvo kuri kuti akarangarira varombo, asi nokuti aiva mbavha; aigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo. Asi Jesu akati, “Muregei, azvichengetere zuva rokuvigwa kwangu. Nokuti varombo munavo nguva dzose; asi ini hamuneni nguva dzose.” Zvino vanhu vazhinji-zhinji vokuvaJudha vakanzwa kuti aripo; vakauya, asi havana kuuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vaonewo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa. Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye naRazarowo, nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kuna Jesu. Zvino ava mangwana vanhu vazhinji-zhinji, vakanga vauya kumutambo, vakati vanzwa kuti Jesu auya Jerusaremu, vakatora mashizha emichindwi, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti, “Hosana! Ngaarumbidzwe anouya muzita raIshe, Mambo wavaIsiraeri.” Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako anouya, agere pamusoro pemhuru yembongoro.” Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu akati akudzwa, vakazoyeuka, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vamuitira izvozvo. Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura. Saka vazhinji vakamuchingamidzawo, nokuti vakanga vanzwa, kuti akaita chiratidzo ichocho. Ipapo vaFarisi vakataurirana, vachiti, “Munoona henyu kuti hamugoni chinhu; tarirai, nyika yose yamutevera.”

Verenga chikamu Johani 12