Ipapo vakuru vakuru vavapristi navaFarisei vakaunganidza makurukota avo padare vakati, “Toita sei, nokuti munhu uyu anoita zviratidzo zvakawanda. Tikamurega achidaro vose vachatenda maari, vaRoma vachauya vakaparadza Temberi iyi nerudzi rwedu.” Asi mumwe anonzi Kaifasi, aiva ari mupristi mukuru gore iroro akati kwavari, “Inga hamuna nechamunoziva, hamuzivi kuti zvakanaka kwamuri kuti munhu mumwechete afire vanhu kuti rudzi rwose rwurege kuparara.” Haana kutaura izvi nokuda kwake oga asi somupristi mukuru wegore iroro aiporofita kuti Jesu anofanira kufira rudzi. Uye kwete kufira rudzi chete asi kukokorodza pamwechete vana vaMwari vakapararira kwose kwose. Saizvozvo kubvira pazuva iroro vakarangana kuti vangamuuraye sei. Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena mukati mavaJudha. Akabvapo akaenda kunyika iri padyo nerenje kuguta rinonzi Efuremu. Akagara navadzidzi vake ikoko. Izvozvo Pasika yavaJudha yakanga yava kusvika saka vanhu vazhinji vaibva kumaruwa vachikwira kuJerusaremu pasika isati yasvika vachindozvichenura. Vaitsvaka Jesu vachitaurirana vamire muTemberi vachiti, “Munofungei nhaimi? Angarege here kuuya kuzuva guru.” Zvino vapristi vakuru navaFarisei vakanga vakomera kuti anenge angoziva kwaari anofanira kuvazivisa kuti vamusunge.
Verenga chikamu Johani 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 11:47-57
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo