Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:47-57

Johani 11:47-57 SNA2002

Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisi vakaunganidza makurukota, vakati, “Todiniko? Nokuti uyu anoita zviratidzo zvizhinji. Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachauya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.” Zvino mumwe wavo, Kaifasi, akanga ari mupristi mukuru gore iro, akati kwavari, “Hamuzivi chinhu, imi, uye hamurangariri kuti zviri nani kwamuri, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa.” Haana kureva izvozvo pachake, asi zvaakanga ari mupristi mukuru gore iro, akaporofita kuti Jesu aifanira kufira rudzi; rusati ruri rudzi rwoga, asi kuti aunganidze pamwechete vana vaMwari vakapararira. Zvino kubva pazuva iro vakarangana, kuti vamuuraye. Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha, asi akabvapo, akaenda kunyika iri pedyo nerenje, kuguta rainzi Efuremu; akagarako navadzidzi vake. Zvino Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusaremu, Pasika isati yasvika, kuti vazvinatse. Zvino vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutemberi, vachiti, “Munoti kudiniko? Munoti haangauyi kumutambo here?” Zvino vapristi vakuru navaFarisi vakanga varayira, kuti, ani naani kana achiziva kwaari, avazivise, kuti vandomubata.

Verenga chikamu Johani 11