Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:1-17

Johani 11:1-17 SCLB

Kwaiva nomumwe murume airwara ainzi Razaro wekuBhetania, mumusha waigara Maria nomukoma wake Marita. Maria ndiye uya akambozora Jesu namafuta akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Ndiye ane hanzvadzi yake Razaro airwara. Hanzvadzi dzake dzakatuma shoko rokuti, “Tenzi mudikanwi wenyu kuno warwara.” Jesu paakazvinzwa akati, “Kurwara uku hakupereri murufu, ndekwekuratidza mbiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nako.” Jesu aida Marita nomunun'una wake naRazaro. Paakanzwa kuti ari kurwara akagara mamwe mazuva maviri kwaakanga ari ikoko. Mushure maizvozvi akati kuna vadzidzi, “Handei zvakare kuJudhea.” Vadzidzi vake vakamuti, “Rabhi vaJudha vaida kutokutakai namabwe, ko zvino modzokerazve here ikoko?” Jesu akapindura achiti, “Handiti zuva rina maawa gumi namaviri here? Aninani anofamba masikati haagumburwi nokuti anenge achiona chiedza chapasi. Asi munhu anofamba murima anoguhunwa nokuti maari hamuna mwenje.” Akataura izvi ndokubva ati, “Shamwari yedu Razaro yakotsira asi ndinoenda kundomumutsa muhope.” Vadzidzi vake vakati kwaari, “Tenzi kana kuri kuti avata achanaya.” Ipapo Jesu ainge achitaura nezvorufu rwake. Asi ivo vakafunga kuti aireva kuvata hope chaidzo. Jesu ndokuzovataurira pachena kuti “Razaro wafa. Nokuda kwenyu ndinofara kuti ndakanga ndisiko kuti mudavire. Zvino ngatichiendai kwaari.” Tomasi anonzi, Mapatya akati kuna vamwe vake, vadzidzi “Handeiwo tindofa naye.” Jesu paakasvika akawana Razaro atova muguva kwamazuva mana.

Verenga chikamu Johani 11