Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:1-17

Johani 11:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake. Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuhwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, “Ishe, uya wamunoda ari kurwara.” Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, “Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nokukudzwa kwaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo.” Jesu aida Marita, nomununʼuna wake uye naRazaro. Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Ngatidzokerei kuJudhea.” Vakati kwaari, “Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?” Jesu akapindura akati, “Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino. Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza.” Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, “Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.” Vadzidzi vake vakapindura vakati, “Ishe, kana akavata, achaita zviri nani.” Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo. Saka ipapo akavataurira pachena akati, “Razaro afa, uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari.” Ipapo Tomasi Dhidhimo akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.” Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 11

Johani 11:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Mumwe munhu wakanga achirwara, ainzi Razaro weBhetania, musha waMaria nomukoma wake Marita. Ndiye Maria uya, akazodza Ishe namafuta, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro, akanga achirwara. Zvino hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dzichiti, “Ishe, tarirai uyo anodikanwa nemi anorwara.” Jesu akati azvinzwa, akati, “Kurwara uku hakusi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwewo nazvo.” Jesu akanga achida Marita, nomun'un'una wake, naRazaro. Zvino akati anzwa kuti anorwara, akambogara mazuva maviri paakanga ari. Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi vake, “Hendeizve Judhea.” Vadzidzi vakati kwaari, “Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai ikozvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moendazve ikoko here?” Jesu akapindura, akati, “Nguva hadzisi gumi nembiri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino. Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hakuna chiedza maari.” Ndizvozvo zvaakareva, akazoti kwavari, “Razaro, hama yedu, avata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.” Zvino vadzidzi vakati kwaari, “Ishe, kana achivata, achanaya.” Jesu akanga areva kufa kwake, asi ivo vakanga vachiti anoreva kuvata hope. Ipapo Jesu akavaudza pachena, “Razaro afa. Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari.” Ipapo Tomasi, ainzi Dhidhimo, akati kuna vamwe vadzidzi, “Hendei nesuo, kuti tindofa naye.” Zvino Jesu akati achisvika, akamuwana atova mubwiro mazuva mana.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 11

Johani 11:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kwaiva nomumwe murume airwara ainzi Razaro wekuBhetania, mumusha waigara Maria nomukoma wake Marita. Maria ndiye uya akambozora Jesu namafuta akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Ndiye ane hanzvadzi yake Razaro airwara. Hanzvadzi dzake dzakatuma shoko rokuti, “Tenzi mudikanwi wenyu kuno warwara.” Jesu paakazvinzwa akati, “Kurwara uku hakupereri murufu, ndekwekuratidza mbiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nako.” Jesu aida Marita nomunun'una wake naRazaro. Paakanzwa kuti ari kurwara akagara mamwe mazuva maviri kwaakanga ari ikoko. Mushure maizvozvi akati kuna vadzidzi, “Handei zvakare kuJudhea.” Vadzidzi vake vakamuti, “Rabhi vaJudha vaida kutokutakai namabwe, ko zvino modzokerazve here ikoko?” Jesu akapindura achiti, “Handiti zuva rina maawa gumi namaviri here? Aninani anofamba masikati haagumburwi nokuti anenge achiona chiedza chapasi. Asi munhu anofamba murima anoguhunwa nokuti maari hamuna mwenje.” Akataura izvi ndokubva ati, “Shamwari yedu Razaro yakotsira asi ndinoenda kundomumutsa muhope.” Vadzidzi vake vakati kwaari, “Tenzi kana kuri kuti avata achanaya.” Ipapo Jesu ainge achitaura nezvorufu rwake. Asi ivo vakafunga kuti aireva kuvata hope chaidzo. Jesu ndokuzovataurira pachena kuti “Razaro wafa. Nokuda kwenyu ndinofara kuti ndakanga ndisiko kuti mudavire. Zvino ngatichiendai kwaari.” Tomasi anonzi, Mapatya akati kuna vamwe vake, vadzidzi “Handeiwo tindofa naye.” Jesu paakasvika akawana Razaro atova muguva kwamazuva mana.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 11

Johani 11:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mumŋe munhu wakaŋga acirwara, wainzi Razaro weBetania, musha waMaria nomukoma wake Marta. Ndiye Maria uya, wakazodza Ishe namafuta, akapisika tsoka dzake nevudzi rake; hanɀadzi yake Razaro, wakaŋga acirwara. Ɀino hanɀadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dziciti: Ishe, tarirai uyo unodikanwa nemi unorwara. Jesu wakati aɀinzwa, akati: Kurwara uku hakuzi kwokufa, asi kuti Mŋari akudzwe, noMŋanakomana waMŋari akudzwe ʋo naɀo. Jesu wakaŋga aciɗa Marta, nomunuŋuna wake, naRazaro. Ɀino wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuʋa maʋiri paakaŋga ari. Shure kwaiɀoɀo akati kuʋadzidzi ʋake: Hendei ɀe Judea. Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Rabi, ʋaJuda ʋakaŋga ʋacikutȿakai ikoɀino, kuti ʋakutakei namabge; ɀino moenda ɀe ikoko here? Jesu akapindura, akati: Ŋguʋa hadzizi gumi nembiri pazuʋa here? Kana munhu acifamba masikati, haagumburwi, nokuti unoʋona ciedza cenyika ino. Asi kana munhu acifamba ʋusiku, unogumburwa, nokuti hakuneciedza maari. Ndiɀoɀo ɀaakareʋa, akazoti kwaʋari: Razaro, hama yeɗu, waʋata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope. Ɀino ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ishe, kana aciʋata, ucanaya. Jesu wakaŋga areʋa kufa kwake, asi iʋo ʋakaŋga ʋaciti, unoreʋa kuʋata hope. Ipapo Jesu akaʋaʋudza pacena: Razaro wafa. Ndinofara nokuɗa kwenyu, kuti ndakaŋga ndisi’po, kuti mugotenda; asi ɀino hendei kwaari. Ipapo Tomasi, wainzi Didimo, akati kunaʋamŋe ʋadzidzi: Hendei nesu ʋo, kuti tindofa naye. Ɀino Jesu wakati aciȿika, akamuwana atoʋa mubgiro mazuʋa manna.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 11

Johani 11:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)